Hurumende inoti veruzhinji havafanirwe kutya zvichitevera mashoko ekuti pane mudzidzi wepa Harare Polytechnic anobva ku Democratic Republic of Congo akachengetedzwa pa Wilkins Hospital muHarare mushure mekufungidzirwa kuti ane Ebola.
Gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, avo vashanyira chipatara ichi neChina vanoti mushure mekuongororwa, murwere uyu haana kuonekwa aine chirwere che Ebola, asi kuti ane malaria.
Asi VaParirenyatwa vatiwo vatumirawo ku South Africa zvakatorwa pamurwere uyu kuti zvinoongororwawo kana aine Ebola. Vatiwo chipatara cheWilkins hachisi kushandiswa neveruzhinji pari zvino kudzamara zvabuda pachena kuti chirwere cheyi chiri kunetsa mudzidzi uyu.
Mukuru webazi rezvehutano mukanzuru ye Harare, Dr Prosper Chonzi, vakaudzawo vatori venhau kuti murwere uyu anga achiongororwa kwemasvondo matatu ari kuchipatara Parirenyatwa, asi akatanga kurutsa neChitatu pamwe nekubuda ropa, izvo zvakaita kuti aendeswe kuWilkins.
Chirwere che Ebola chauraya vanhu vava kuda kusvika kuzviuru zvina, zvikuru muLiberia, Sierra Leone neGuinea.
Asi Dr Chonzi vanoti vanhu havafanire kutya nekuti hurumende yakagadzirira zvakasimba kurwisa Ebola ikapinda munyika.