Kunetsana mubato reZanu-PF kuri kuenderera mberi kunyange hazvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakayedza kupindira kuti kukandirana makobvu nematete uye kudzingana pazvigaro kumbomira.
Nyaya yekunetsana iri kupawo kuti bato rinoneke kupedza mirawo yekukwikwidza musarudzo dzepakongiresi.
Sachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vakapihwa masimba ekuyedza kugadzirisa zviri kunetsa mubato sezvinodiwa nemitemo yebato.
Asi vamwe vakuru vebato iri vanoti VaKhaya Moyo havangagadzirise dambudziko iri nekuti ivo vane maoko akasviba. VaKhaya Moyo vanonzi vari kuchikwata chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru.
Chikwata ichi chiri kunetsana nechiri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa. Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavanotungamira muZanu-PF muhondo yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe kana vazosiya chigaro.
Kunzvimbo dzanyanya kunetsa iMashonaland West neHarare uko kunonzi kuri kumiswa dzimwe nhengo basa nenyaya dzekunetsana.
Vamwe vakamiswa kuMashanoland West vanosanganisira mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaChris Mutsvangwa, pamwe nenhengo yeparamende yeHurungwe North, VaReuben Marumahoko.
Asi VaMutsavangwa vaudza Studio 7 kuti izvi ndezvemugotsi matsuro. Havana kuda kutaura zvakawanda kunze kwekuti vachiri muhutungamiri hwedunhu reMashonaland West vachiona nezvekuburitswa kwemashoko.
Asi hutungamiri hweMashonaland West hunoti hwakamisa VaMutsvangwa basa nekuti vakatyora mitemo yebato nekutadza kupinda mumisangano mitanhatu yakateverana yedunhu ravo.
Dunhu reMashonaland West rinoti izvi zviri mugwara rebato.
Hatina kukwanisa kubata VaKhaya Moyo kana mutauriri webato, VaRugare Gumbo, sezvo vange vari mumusangano.
Nyanzvi munyaya dzezvamatongerwo enyika uye vaimbova mutauriri wesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaBlessing Vava, vanoti VaMugabe havachina ari kuvateerera.