Accessibility links

Breaking News

Kubva kwaVaMugabe paChigaro Kwotarisirwa Kukonzera Nyonga Nyonga


Gwaro raburitswa nemasangano maviri anoti reReseach and Advocacy Unit neZimbabwe Human Rights NGO Forum riri kuti munyika muchaita kusagadzikana kana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakayera vasiya chigaro nekuti hazvina kujeka kuti ndiyani anotora chigaro chavo kana pachitariswa bumbiro remitemo yenyika uye rebato ravo reZanu-PF.

Gwaro iri rinonzi The Mortal Remains: Succession and The Zanu-PF Body Politic. Gwaro iri rinotiwo VaMugabe vave mukweguri uye nyaya yavo yekupota vachienda kunorapwa ku Singapore munongedzo wekuti munhu ava kugara akarwara.

Masangano maviri aya akaongorora bumbiro remitemo reZanu-PF uye renyika akati zvinhu hazvina kujeka pakuti ndiyani achatsiva VaMugabe vakasiya chigaro.

Kunyange Zanu-PF ichiti bumbiro rayo remutemo rakajeka panyaya iyi, masangano aya anoti pane humbowo hwekuti bumbiro iri haritevedzerwe.

Masangano aya anotiwo bumbiro remitemo rinoti VaMugabe vakasiya chigaro, bato riri kutonga rinofanira kusarudza mutungamiri wenyika mukati memazuva makumi mapfumbamwe.

Asi masangano aya anoti nekunetsana kuri kuitika muZanu-PF zvinoratidza kuti zvichanetsa.

Anopa semuenzaniso kuti pakusimudzirwa kwaAmai Joyce Mujuru kuti vaite mutevedzeri wemutungamiri wenyika, pakaita kunetsana kwakanyanya zvakapa kuti vamwe vambomiswa kuva nhengo dzebato mushure mekuita musangano kuTsholotsho vachironga tsoro yekuti chikwata chinonzi chinotsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, chitore masimba.

Masangano aya anotiwo kudomwa ne Women’s League kwemudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, kuti vatungamire Womens League, kunotyorawo mitemo yebato sezvo vasina makore anodiwa kuti vatore chigaro ichi.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaAbel Chikomo, vanoti VaMugabe vanogona kunge vachida kusagadzirisa nyaya iyi nekuda kwekuti vari kuda kuti vanhu vangotaure nezvayo kwete mamiriro ehupfumi.

Hurukuro naVaAbel Chikomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG