WASHINGTON —
Mutungamiri weMavambo Kusile Dawn, VaSimba Makoni, vanoti kunyange vamwe vanhu vashoma mubato ravo vari kuti vanofanira kupinda musarudzo vakazvimirira semutungamiri kwete kutsigira vamwe sezvavakaita musarudzo dzegore rapera, vacharamba vachibatana nevamwe kana vaona zvakakodzera.
Musarudzo dzegore rapera, VaMakoni, avo vakadzingwa muZanu PF, vakatsigira mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai.
VaMakoni, avo vaimbova gurukota rezvemari vanotiwo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havafanire kuramba vachiti zvirango ndozviri kukanganisa hupfumi nekuti dzimwe nyika dzakatemerwa zvirango zvakasimba kudarika Zimbabwe dzakatobudirira munyaya dzezvehupfumi.