Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Voramwa Mabasa muZvipatara Zvikuru zveHurumende


Parirenyatwa Hosp
Parirenyatwa Hosp

Kuratidzira kwavana chiremba, Junior Doctors, vemuzvipatara zvehurumende kwakatanga nepa Parirenyatwa Hospital neChina, kwapinda muzuva repiri.

Kuratidzira uku kunonzi kwapararirawo kuzvipatara zveHarare Hospital neMpilo Hospital kuBulawayo.

Vana chiremba ava vanoti vanoda kuti mari dzavari kutambira dziwedzerwe kubva pamadhora mazana masere kusvika pachiuru nemazana maviri.

Mazana masere emadhora aya anosanganisira mazana matatu emadhora semari yekubatsirikana padzimba dzekugara.

Vana chiremba ava vanotiwo havasi kubatwa zvakanaka nevakuru vepazvichipatara zvavanoshandira.

Nhengo yekomiti yeHospital Doctors Association, Dr Nyasha Mtetwa, vanoti vatora danho iri nokuti havasi kubatwa zvakanaka.

Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru weParirenyatwa, Va Thomas Zigora, kanawo gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi vamwe mubazi rezvehutano vasina kuda kutaura mazita avo vanoti kana zvanetsa, hurumende ichatodaidza vana chiremba vechiuto kuzobatsira.

Pava kutyirwa kuti kuratidzira uku kunogona kukanganisa gadziriro yekudzivirira chirwere che Ebola icho chakonzeresa dambudziko guru kunyika dzekumawirira kweAfrica.

Zimbabwe kusvika pari zvino haina kana munhu mumwe chete ati abatwa nechirwere che Ebola, kunyange hayo iri kugara yakagadzirira zvemhando yepamusoro sezviri kuita nyika dzose dzepasi rino.

Hurukuro na Dr Nyasha Mtetwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG