Mauto emuchadenga eZimbabwe neNamibia neChitatu ange achidzidzira nekukwenenzvera kuita mushandira pamwe mukurwisa nemuchadenga kuNyanga.
Izvi zvinonzi zvaitwa nechinangwa chekuti nyika mbiri idzi dzigare dzakagadzirira kana pakaita hondo kana zvimwe zvingangokanganisa nyika dziri kuchamhembe kweAfrica.
Asi vakuru vemauto vanoti kudzidzira kuita mushandira pamwe kwavo hakunei nekusagadzikana kwezvinhu mu Lesotho uko kune mauto akaedza kupidigura hurumende yenyika iyi nechisimba mwedzi wapera.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo sachigaro weSADC uye neMuvhuro vainge vari muSouth Africa vachigadzirisa nyaya yekuLesotho iyi.
Mutevedzeri wemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, ndivo vakaitwa mutongi gava weSADC panyaya iyi. VaRamaphosa vari kutarisirwa kupinda muLesotho neChina.
Mutauriri wemauto e Airforce of Zimbabwe, Squadron Leader Simon Matingwina, vanoti mauto aya anoshandiswa munguva yematambudziko akaita seanokonzerwa nemafashamu emvura.