Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Vanoti VaMugabe Ngavatenderwe Kudoma Mutevedzeri Akavimbika


Grace Mugabe
Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanofanirwa kudoma mutevedzeri wemutungamiri wenyika anovabatsira kwete kuita mutevedzeri anongogara achingowana mbiri VaMugabe vachifa nebasa voga.

Vachitaura kumusangano wavaita neMuvhuro mu Pelandaba Stadium, Gwanda kuMatabelaland South, Amai Mugabe vati izvi zvakakosha sezvo zvichipa mutungamiri wenyika kutsvaga munhu waanoshanda naye zvakanaka.

Mashoko Amai Mugabe anopesana zvikuru nebumbiro re Zanu-PF iro rinoti vatevedzeri vemutungamiri vebato vanofanirwa kuvhoterwa pakongiresi.

Amai Mugabe vari kuenderera mberi nemisangano yavo yekusangana nevanhu kuti vavazive sezvo vakadomwa kuti vatungamire sangano remadzimai reWomens League.

Izvi zvamirira kutambirwa nemapazi ebato epamusoro nekongiesi iri kuitwa muna Zvita.

Amai Mugabe vashorawo kunetsana kuri mubato reZanu-PF vachiti vakuru vebato havana chavari kuita kumisa nyaya iyi.

Kunetsana kunonzi kuri pakati pechikata chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, nechinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi vaviri ava vanoramba kuti vanotungamira zvikwata zviri kunetsana.

Asi pamusangano wekuGwanda vakuru kubva kuzvikwata izvi vange vari pamusangano vanosanganisira mukuru wemadzimai eWomens League pari zvino, Muzvare Oppah Muchinguri, avo vanonzi ndevekuchikwata chaVaMnangagwa, pamwe nasachigaro webato, VaSimon Khaya Moyo, avo vanonzi ndevechikwata chaAmai Mujuru.

Amai Mugabe vapedza musangano wavo vachipa vanhu mbeu yechibage.

Sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana, vanoti hapana chakaipa pakuti Amai Mugabe vapinde munyaya dzezvematongerwo enyika kana vachidiwa nevanhu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reTrust Africa, VaBrigs Bomba, vanoti Amai Mugabe vave kutokonzeresa nyonga nyoga mubato nekuti vanenge vari kutora divi.

XS
SM
MD
LG