Magweta esangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights aenda kudare repamusoro senzirai yekuyedza kumisa Epworth Local Board kupwanya dzimba dzevanhu.
Magweta aya akaendesa kudare gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, uye bhodhi reEpworth kuti vamise kuputsira vanhu dzimba dzavo.
Asi VaChombo vakaudza Studio7 neChishanu kuti havasi kuzodududza shure sezvo vanhu vaingoita madiro vachivakira dzimba chero pavada, munhandare dzezvikoro, pamusoro petambo dzemagetsi nedzimwe nzvimbo dzisina kukodzera.
Kutanga neChishanu mangwanani, mapurisa akafumobata jongwe muromo achiputsa dzimba dzevanhu kuEpworth neChitungwiza.
Izvi zvapa kuti zviuru nezviuru zvevanhu zvisare zvisina pekugara.
Vamwe vanhu vakasungwa kuEpworth muchiitiko ichi, uye vamwe vakarohwa zvakaipisisa vakakuvara.
Vanhu makumi maviri vakaburitswa muhusungwa neMuvhuro. Asi neMugovera mapurisa nebhodhi reEpworth vakaenderera mberi nekuputsa dzimba nezvitoro zvinonzi hazvina kuvakwa pakakodzera.
Bato reMDC-T rashora zvikuru kuputswa kwedzimba uku richiti hurumende iri kutyora mitemo yenyika. Ratiwo makanzura ebato iri haaneyi nekuputswa kwedzimba idzi, asi kuti izvi zviri kuitwa nehurumende yeZanu-PF.
Bato iri ratiwo zviuru zvevanhu zvichasara zvisina pekugara.
Vagari vekuChitungwiza vanoti vachakwira dare neChipiri vachitiwo zviri kuitwa izvi hazvisi pamutemo.
Ongororo yakaitwa nebazi rezvematunhu inoti dzimba dzinosvika zviuru gumi nezvina dzakavakirwa pasipo kuChitungwiza neManyame uye dzinofanirwa kuputswa.
Kanzuru yeHarare inotiwo yapa vanhu vekuGlen Norah mazana matatu maawa makumi mana nemasere senguva yekuputsa vega dzimba dzavo, vakatadza kuita izvi kanzuru inonodziputsa.
Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kumirira vagari vekuEpworth, VaTonderai Bhatasara, vanoti hurumende pamutemo haikwanise kungopwanya dzimba pasina kuwanira vanhu pekugara, uye inofanirwa kupihwa masimba ekuita izvi nematare.