Vagari veku veku Chimanimani voshushikana nekuputsika kwakaita dzimba dzavo. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vagari Veku Chimanimani votaura pamusoro pemamiriro akaita zvinhu mudunhu ravo mushure medambudziko redutu mupengo Cyclone Idai. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Chikopokopo chichiunza mushonga kunzvimbo yeChimanimani uko kwakatarisana nematambudziko edutu mupengo reCyclone Idai. Vhidhiyo Thomas Chiripasi.
Kutsvaga vanhu vanodarika mazana matatu varikushaikwa kuManicaland mushure medutumupengo idai kwoenderera mberi South Africa ichitanga kubatsira kutsvaga nembwa dzinofunhidza zvitunha uku hurumende ichiti kugadzirisa zvivakwa zvakaputswa kunoda mari inosvika mamiriyoni masere nematatu.
Mumwe wevaona izvi zvichaitika, VaTichaona Chinamira, vati rhori yemasoja iyi yashaya mabhureki zvaitadzisa kumira sezvo mutyairi wemotokari iyi anga achimhanyisa motokari iyi.
KuMozambique kunonzi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawirwawo nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai. Mune dzimwe nzvimbo dzisiri kufambika Mozambique irikushandisa ddege kutakura zvinhu zvekunopa vakawirwa nedambudziko remafashamu munyika iyi. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Zvinonzi pane vanhu vakawanda vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe mudunhu reManica kuMozambique vasati vawana rubatsiro kubva zvakaitika mafashamu eCyclone Idai ayo akauraya vanhu vakawanda muZimbabwe, Malawi pamwechete neMozambique.
KuMozambique kunonzi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawirwawo nedambudziko redutumupengo iri. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
KuMozambique kunonzi kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawirwawo nedambudziko redutumupengo iri. Kunerumwe rutivi vagari vemunyika iyi vene midhudhu voita mazakwatira emari nekuyambutsa vanhu pabhiriji rakatorwa nemafashamu parwizi Haluma kuNematanda muMozambique.Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vechidiki nemusi weChishanu vakaita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pavakavaudza kuti hurongwa hutsva hwedzidzo hwakaiswa muzvikoro, kana kuti new curriculum, hausi kuzobudirira sezvo zvikoro zvizhinji zvisina macomputer nemasaisai edandemutande kana kuti internet
Vanachiremba vakuru avo vakaratidzira nemusi weChitatu kuchipatara cheParirenyatwa mabasa vanoti vari kurapa vanhu varikurwarisisa chete sezvo vachiti hurumende iri kutadza kuvapa zvikwanisiro zvekuti vaite basa ravo nemazvo.
Vanachiremba vakuru vepachipatara cheParirenyatwa varatidzira pachipatara ichi nhasi vachigunun’una nekushayikwa kwemichina yekushandisa mukuita basa ravo, mishonga, mari dzemihoro pamwe nekushaya zvipfeko zvinokodzera pavanorapa varwere.
Mapato madiki matatu anopikisa asangana muHarare akabuda nechisungo chekutanga kutaudzana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri webato guru rinopikisa, VaNelson Chamisa, kuitira kuti paitwe nhaurirano munyika.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, nhasi vakumbira nyika dzekunze kuti dzipindire munyaya yeZimbabwe zvichitevera kusungwa nemapurisa kuri kuramba kuchiitwa vanhu vanosanganisirawo nhengo dzebato ravo mushure mekuratidzira kwakaitika munyika masvondo maviri adarika.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vari kukumbira nyika dzekunze kuti dzipindire munyaya yeZimbabwe zvichitevera kusungwa kuri kuramba kuchiita vanhu vanosanganisirawo nhengo dzebato ravo mushure mekuratidzira kwakaitika munyika masvondo maviri adarika.
Vanhu makumi maviri nevasere vanga vatizira kune imwe imba iri kuHatfield kwavanga vachirapwa vari zvichitevera kurohwa mudzimba kwavanonzi vakaitwa nemasoja mumazuva apfuura, vanonzi vasungwa nemapurisa vari muhupoteri umu.
Mutungamiri wenyik,a VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vakurudzira kuti paitwe nhaurirano nevemapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira kuitira kuti hupfumi hwenyika husarambe huchiwira pasi.
Rodhai zvimwe