Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vanoti Vave Kungorapa Vari Kurwarisa neKushaya Zvikwanisiro


Vanachiremba vakuru avo vakaratidzira nemusi weChitatu kuchipatara cheParirenyatwa mabasa vanoti vari kurapa vanhu varikurwarisisa chete sezvo vachiti hurumende iri kutadza kuvapa zvikwanisiro zvekuti vaite basa ravo nemazvo.

Zvichakadai, kuramwa mabasa uku kunonzi kwapararirawo kune zvimwe zvipatara zvehurumende muHarare.

Vanachiremba vakuru vari kuramwa mabasa vanoti hapana chine musoro chakabuda mumusangano wavakaita negurukota rezvehutano VaObediah Moyo.

Mumwe wavanachiremba vakuru vepachipatara cheParirenyatwa, Doctor David Chimuka, vakaudza Studio 7 kuti parizvino vari kungorapa varwere vari kurwarisisa muzvipatara zvehurumende sezvo hurumende iri kutadza kuvapa michina yekushandisa pamwe nemishonga yekurapisa varwere.

Mumwe chiremba wepaParirenyatwa, Doctor Shingai Chiurunge, vati vave kungopa varwere mapepa ekuti vakwanise kunotenga mishonga yekuti varapwe kana kuti ma prescription sezvo muzvipatara zvehurumende musina mishonga iyi.

Vamwe vanachiremba vekune zvimwe zvipatara zvehurumende zvakaita seHarare General Hospital neChitungwiza General Hospital vakaudza Studio 7 parunhare kuti havachakwanisiwo kuita basa ravo sezvo vakatarisana nematambudziko akafanana neanachiremba vekuParirenytwa.

Vamwe vanachiremba vepa Harare General Hospital vakati vave kungorapawo varwere vari kurwarisisa sezviri kungoitwa paParirenyatwa vachiti bandiko reIntensive Care Unit, kana kuti ICU, iro ranga rave nemasvondo akati kuti risingashande, ratovhurwa neChina kuitira kuti anachiremba vakuru vakwanise kurapa varwere varikurwarisisa chete.

Anachiremba ava vanoti kunyange hazvo vavhura bandiko reICU iri, vari kusangana zvakare nematambudziko ekushayikwa kwemimwe michina pamwe nemishonga yekurapisa varwere.

Asi gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vakaudza Studio 7 parunhare kuti bazi ravo riri kuyedza pose parinogona napo kuti ritsvage mari yekutenga mishonga yekupa varwere pamwe nekugadzirisa mimwe michina inonzi yakafa kuti anachiremba vakwanise kuishandisa.

VaMoyo vakatiwo dambudziko ravainaro sehurumende nderekushaya mari yekunze yekutenga zvimwe zviri kudiwa nanachiremba ava kunyange hazvo vati vari mubishi rekuedza kuti vataure nagavhuna webhanga guru renyika VaJohn Mangudya kuti bazi rezvehutano rikwanise kupihwa mari yekunze kuti vatenge zviri kudiwa izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG