Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voita Musangano neVeChidiki Vachiudzwa Zvichemo muNyaya yeDzidzo


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Vechidiki nemusi weChishanu vakaita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pavakavaudza kuti hurongwa hutsva hwedzidzo hwakaiswa muzvikoro, kana kuti new curriculum, hausi kuzobudirira sezvo zvikoro zvizhinji zvisina macomputer nemasaisai edandemutande kana kuti internet.

VaMnangagwa, avo vanga vari muenzi anoremekedzwa pamusagano uyu, vakaudzwa pachena nevechidiki pavakapihwa mukana wekuvabvunza mibvunzo kuti hurongwa hutsva hwedzidzo hwenew curriculum hauna chahurikuzoburitsa.

Vechidiki ava vati kushayikwa kwema computer pamwe ne internet muzvikoro, zvikurusei kuzvikoro zvekumaruwa, ndiko kuchaita kuti hurongwa uhwu hushaye zhahunobuditsa sezvo vachiti zvidzidzo zvakawanda zviri munew curriculum huchiitwa pachishanshandiswa ma computer ne internet.

Mumwe wevechidiki anga ari pamusangano uyo uye achiita zvidzidzo zvehudzidzisi paBelvedere Teachers College, Muzvare Mercy Ndaba, ndeumwe wevari kuda kuti hurumende isendeke parutivi chirongwa che new curriculum ichi yopa vadzidzi mari dzekuti vakwanise kuenderera mberi nezvidzidzo zvavo kana kuti ma grants.

Muzvare Ndaba vakati vechidiki vakawanda munyika, zvikurusei kumaruwa, vachasara vari marovha kana hurumende ikaenderera mberi ne new curriculum iyi.

Asi pavakatura mashoko avo pamusangano uyu, VaMnangagwa vakati hurumende yavo iri kusimbaradza nyaya yekuvandudza zvidzidzo zvinoitwa muzvikoro zvavanoita mabasa emawoko kuitira kuti vechidiki vakawanda vagozokwanisa kuzvigadzirira mabasa avo vega.

VaMnangagwa vati internet ichange yave kupinda munzvimbo dzakawanda munyika nenguva pfupi iri kutevera zvichitevera kuparura kwavakaita tsinga dze internet kuBeitbridge pakutanga kwesvondo rino.

Gurukota rezvevechidiki, Muzvare Kirsty Coventry, vakakurudzirawo vechidiki kuti vauye kubazi ravo kuzopa pfungwa dzavo kuti dzipinzwe mugwaro rehwaro huchatevedzerwa nevechidiki munyika kana kuti Youth Policy.

VaMnangagwa vakakurudzirawo vechidiki kuti vasatore zvinodhaka pamwe nekushandiswa nevanhu vavasina kudoma nemazita vavati vanoda kuti munyika musagadzikane.

Mutungamiri wenyika akatiwo hurumende ichavandudza zvose zvinodikanwa kuti vechidiki vawane pundutso zvinosangansira mitemo yekuita mabhizimusi munyika.

Asi mumwe wechidiki akanga ari pamusangano uyu, Edmore Kambeva, akati achatenda maruva adya chakata.

Musangano wemazuva maviri uyu uyo wakapera nemusi weChishanu wakarongwa nebazi revechidiki uye wakapindwa nevechidiki vanodarika zviuru zvishanu.

Musangano uyu wanga uine chinangwa chekutsvaga nzira dzekuti vechidiki vangawane pundutso sei munyika uye kuti vechidiki vangaitei kubatsira kusimudzira hupfumi hwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG