Accessibility links

Breaking News

Kuti VaMnangagwa Vangaite Hurukuro naVaChamisa?


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira kuti paitwe nhaurirano pakati pevemapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira kuitira kuti hupfumi hwenyika husarambe huchiwira pasi.

Kurudziro iyi inouya apo veruzhinji vakaratidzira munyika yose svondo rapera vachiti havasi kufara nemamiriro aita hupfumi hwenyika.

Pamashoko avanyora padandemutande reTwitter neChipiri mushure mekupinda munyika mambwakwedza vachibva kunyika ina dzekuEurope, VaMnangagwa vati vemapato ose ezvematyongerwo enyika, vedzisvondo pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira, vasendeke parutivi kusawirirana kwavo vobatana poitwa nhaurirano munyika dzavanoti dzakanangana nekusimudzira hupfumi hwenyika.

VaMnangagwa vashorawo mauto anonzi ari kurova vanhu munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika vachiti iyi inyaya inofanira kuongororwa uye vanenge vawanikwa vari kunze kwemutemo, votorerwa matanho akasimba.

Mashoko aVaMnangagwa aya anouya panguva iyo mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vagara vachitaura kubva pakaitwa sarudzo dzavanoti hadzina kufambiswa zvakanaka kuti munyika munofanirwa kuitwa nhaurirano.

Zvichitevera zvataurwa naVaMnangagwa nhasi, VaChamisa vati VaMnangagwa vanofanira kuzadzisa mashoko avo nezviito kwete kungotaura chete.

Mutungamiri weHashtag Tajamuka, VaPromise Mkwananzi, vatiwo panofanira kuvandudzwa mitemo nezvimwe zvakadaro zvinoita kuti munyika muve nehutongi hwejekerere nhaurirano idzi dzisati dzaitwa.

Nekune rumwe rutivi, VaChamisa vati havasi kuzopinda munhaurirano idzi kana nhengo dzebato ravo dzinosanganisira nhengo dzepaaramende dzikaramba dzichisungwa dzichipomerwa mhosva dzavanoti hadzina maturo.

Vanhu vane chitsama vakafa mukuratidzra kwakaitika munyika svondo rapera vamwe vakasara vakuvara, vamwe vari muhupoteri uye vamwe vakasungwa.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaBekezela Gumbo, vatiwo zviri kutaurwa naVaMnangagwa izvi kungotaurawo kwemunhu apererwa sezvo nyika dzekunze dziri kuda kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Mashoko aVaMnangagwa anopesana neemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, avo vakati havasi kuzoumba hurumende yemubatanidzwa neMDC vachiti VaChamisa vanofanira kutanga vacherechedza hurumende yaVaMnangagwa.

Asi VaChamisa vanoti bato ravo harisi kuda kuwumba hurumende yemubatanidzwa kuburdikidza nenhaurirano idzi asi kuti riri kuda kuti nyaya yemafambisirwo akaitwa sarudzo itaurwe nezvayo munhaurirano idzi pamwe nematambudziko akatarisana nenyika pari zvino.

Studio7 haina kukwanisa kubata vemasangano emakereke kuti tinzwe kuti vanotambira seyi mashoko aVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG