Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokurudzira Dzimwe Nyika Kupindira Munyaya yeZimbabwe


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vakumbira nyika dzekunze kuti dzipindire munyaya yeZimbabwe zvichitevera kusungwa nemapurisa kuri kuramba kuchiitwa vanhu vanosanganisirawo nhengo dzebato ravo mushure mekuratidzira kwakaitika munyika masvondo maviri adarika.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Tsvangirai House, VaChamisa vakurudzira masangano ekunze akaita sesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Development Community, SADC, pamwe nesangano renyika dzose dziri muAfrica reAfrican Union, AU, kuti asarambe akapeta maoko veruzhinji vachishungurudzwa munyika nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

VaChamisa vati huwandu hwevanhu vafa kusvika pari nhasi huri kuramba huchikura zvichitevera kupfurwa kunonzi kwakaitwa vanhu nemasoja uye zvinonziwo vanhu vane chitsama vakabatwa chibharo pavaipindirwa mudzimba vachirohwa nevanhu vainge vakapfeka mbatya dzechiuto, uye vaine pfuti.

VaChamisa vati zviri kuitika munyika zvinotoda nhaurirano kuti zvipere.

Vaenderera mberi vachiti bato ravo harisi kufara nekushungurudzwa kweveruzhinji pamwe nenhengo dzaro idzo dzinonzi dzakasungwa munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika.

VaChamisa vati kuratidzira kwakaitwa neveruzhinji, uko kwakadeedzerwa nesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, hakunei nebato ravo vachiti sebato vacharatidzira kana nguva yakwana.

Asi hurumende inoti kuratidzira uko kwakarongwa neMDC ichishanda nemadzisahwira ayo.

Hatina kukwanisa kutaura nevatungamiri veSADC neAU kuti tinzwe pamire masangano avo panyaya iyi.

Asi mutauriri wemapurisa, Commissioner Charity Charamba, vaudza vatori venhau pamuzinda wemapurisa kuti mapurisa ari kusunga vanhu mushure mekuferefeta.

Amai Charamba vatiwo mapurisa ari kuitawo basa rawo nemazvo pasina divi raakarerekera.

Panyaya yekubatwa chibharo kunonzi kwakaitwa vanhu nemauto, Amai Charamba vakurudzira vose vakawirwa netsekwende iyi kuti vanomhang’ara kumapurisa kana kuenda kumasangano akazvimiririra anorwira kodzero dzevanhukadzi.

VaMnangagwa vakaburitsa mashoko svondo rapera ekuti vechiuto vose vakapara mhaka mukuratidzira kwakaitika uku, vanofanirwa kusungwa votorerwa matanho akasimba.

Zvichakadai, Amai Charamba vati pane mumwe munhu wavasina kudoma nezita akasungwa nezuro achidhindisa chitupa chechisoja muHarare uye mumwe akasungwa akapfeka yunifomu yechisoja, asi asiri musoja.

Vanhu vanodarika chiuru vakasungwa mumhirizhonga yakaitika, uye vazhinji vaqvo vari mutirongo mushure mekunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Sangano reAmnesty International rakakurudzira kuti hurumende igadzirise nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu, ukuwo sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, rakatiwo pasvika zvinhu munyika pava kuti United Nations, SADC neAU dzichipindire sezvo mauto nemapurisa emuZimbabwe ari kupinza zvematongerwo enyika mukuita basa rawo.

Pavanhu vari muhusungwa, pane vana vari pasi pezera vari kupomerwa mhozva yekuita mhirizhonga, uye vari kunzi vachatongwa sevanhu vabva zera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG