Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Zvosangana neMatambudziko eDutumupengo kuMozambique


Buzi, Beira, Mozambique
Buzi, Beira, Mozambique

Zvinonzi pane vanhu vakawanda vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe mudunhu reManica kuMozambique vasati vawana rubatsiro kubva zvakaitika mafashamu eCyclone Idai ayo akauraya vanhu vakawanda muZimbabwe, Malawi pamwechete neMozambique.

Vanhu vakawanda kunzvimbo inonzi Matarara iri munharaunda yeDhombe mudunhu reManica kuno kuMozambique vanoti havasati vawana rubatsiro kubva pakaitika mafashamu eCyclone Idai ayo akakonzerawo kufa kwevanhu vakawanda muZimbabwe ne Malawi.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, Amai Sonia Sithole avo vanoti vanobva kuChipinge vaudza Studio 7 parunhare vari kuDhombhe kwakare kuti pavanhu vasati vabatsirwa ava pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinogona kudarika zana.

Nharembozha yavanga vachishandisa isati yadzima, Amai Sithole vati vanhu vakawanda vari kugara nezvitunha pamusoro pedzimba sezvo vemasangano anobatsira nechikafu asiri kukwanisa kusvika kunzvimbo iyi.

Vatiwo kufa kwevamwe vanhu kurikukonzerwa nekukuvara kwavakaita uye kushaya mvura yakachena yekunwa. Amai Sithole vati kunyange hazvo mvura yaderera parizvino kunzvimbo yavari, vanhu vazhinji havasi kukwanisa kubva muzvuru zvisina kusvika mvura.

Mumwe mutori wenhau wemuno muMozambique, VaSaulo Dima, vaudza Studio 7 kuti vamwe vavari kutaura navo vari kuti vamwe vagari venzvimbo iyi vari kugara vakaturika zvitunha pamusoro pedzimba nemuzvuru mavari.

VaDima vatiwo zvikepe ndizvo zviri kushandiswa kubatasira vamwe vanhu munharaunda iyi kunyange hazvo vazhinji vevanhu ava vasati vabviswa pakati pemvura kuenda kunzvimbo dzakaoma.

Gavhuna wedunhu reManica, VaManuel Rodrigues, vaudza nhepfenyuro yeMiramarah kuti hurumende yavo ichishanda pamwe chete nevamasangano anobatsira nechikafu varikutsvaga nzira dzekusvitsa chikafu kuDhombe pamwe nekuona kuti varikuda kubviswa mumvura mavari umu vangabviswe sei.

VaRodrigues vati vachaedza kuti zvikopokopo zviende kunobatsira vanhu ava vachitiwo chimwe chiri kutadzisa vemasangano anobatsira kubatsira vanhu ava kunaya kuri kuramba kuchiita mvura kunzvimbo iyi sezvo migwagwa yakafa uye pane vanhu ava pasiri kusvikika.

VaKenias Mushope avo vanoti chizvarwa cheZimbabwe kunyange hazvo vakakurira muno muMozambique, vati panogona kunge pakafa vanhu vakawanda muBeira kudarika vaziviswa kuti vafa kusvika parizvino sezvo vachiti pane vanhu vazhinji vakayeredzwa kunosvitswa munyanza yeIndian Ocean.

VaMushope avo vanogara muno muChimoio vatiwo kuparadzwa kwakaitwa mugwagwa unobva muChimoio uchienda kuBeira nemafashamu parwizi rwunonzi Haluma rwuri munharaunda yeNematanda kuri kuvatadzisawo kuti vanoona kuti hama neshamwari dzavo dziri muBeira dzakapona here.

Parwizi urwu veruzhinji vave kutoyambutswa nemidhudhu vachibhadhariswa mari yakawanda iyo yavanoti iri kuvanetsa kuwana.

Zvinonzi pane vanhu vanodarika mazana mashanu vakaurayiwa nemafashamu eCyclone Idai munyika nhatu dzinoti Zimbabwe, Malawi neMozambique uye gurukota rinoona nezveminda nemagariro muno muMozambique, VaCelso Correia vaudza vatori venhau kuti muMozambique mune vanhu vanodarika zviuru gumi nezvishanu vasati vazivikanwa kuti varipi zvichitevera mafashamu aya.

MuZimbabwe nemuMalawi mune vanhu vakawandawo vasati vawanikwa mushure mekuwirwa nenjodzi iyi.

Pane mashoko ekuti zvinwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakayeredzwa kunosvika kuMozambique asi zvichiri kunetsa kuti zvionekwe kuti ichokqwadi here sezvo zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG