Accessibility links

Breaking News

Mota yeMasoja Inouraya Vanhu Vashanu kuChimanimani


Machongwe villagers from Chimanimani district wait for food relief, March 26, 2019.
Machongwe villagers from Chimanimani district wait for food relief, March 26, 2019.

Vanhu vashanu vafa neChina kuChimanimani zvichitevera kutsikwa nemotokari yemasoja pavanga vakamirira chikafu kunzvimbo yeSkyline.

Motokari yemasoja yatadza kumira ikatsika vanhu vashanu vakafira ipapo panzvimbo yeSkyline muno muChimanimani pavanga vakaungana nehuwandu hwavo vakamirira kutambiriswa chikafu icho chavasina kuzowana.

Mumwe wevaona izvi zvichaitika, VaTichaona Chinamira, vati rhori yemasoja iyi yashaya mabhureki zvaitadzisa kumira sezvo mutyairi wemotokari iyi anga achimhanyisa motokari iyi.

Amai Mollyn Tembo vati vaona imwe chembere ichibuda matumbu mushure mekutsikwa nemotokari iyi uye vati vamwe vakuvara vatakurwa kuendeswa kuchiptara.

Ana mukoti vedumba riri kushandiswa sekiriniki yakaiswa paSkyline zvichitevera mafashamu eCyclone Idai vaudza Studio 7 kuti vafa nevakuvara vaendeswa kuchipatara cheChipinge uye vati tinzwe zvakakwanda kugurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, avo vatisina kukwanisa kukwanisa kutaura navo pataenda pamhepo.

Zvichakadai, mumwe wevanga vakaungana paSkyline apa, VaZephaniah Mabuka, vati vazodzingwa pavanga vakaungana apa vasina kukwanisa kuwana chikafu chavanga vakamirira.

Chikwata chevabatsiri vakabva kuSouth Africa chiri kufamba nembwa, chatanga nhasi kutsvaga vanhu vasati vawanikwa chichishandisa imbwa kuti dzifemhedze pangange paine vanhu vakafa zvichitevera kusaoneka kuri kuita vanhu vakawanda avo vanonzi vakatorwa nemafashamu aya.

Mutungamiri wechikwata ichi, VaJustin Colbert, avo vanoshanda nesangano reGift of the Givers Foundation vaudza Studio 7 kuti vachashanda nemasoja pamwe nemapurisa emuno mukuedza kutsvaga vanhu vasiri kuonekwa.

Hurumende inoti ichaedza pose painogona napo kuti itsvage vanhu vese vasiri kuonekwa nechinangwa chekuda kuziva zvakaitika kwavari uye kuda kuziva kuti vanhu vose vakaurayiwa nemafashamu ava vangani.

Hurumende inoti vanhu vafa kusvika pari zvino vanosvika zana nemakumi masere nevapfumbamwe, uye vanhu vanodarika mazana matatu havazivikanwe kuti varipi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG