Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba Vakuru Voratidzira neKusamira Zvakanaka kweZvinhu Muzvipatara


Vanachiremba vakuru vepachipatara cheParirenyatwa varatidzira pachipatara ichi nhasi vachigunun’una nekushayikwa kwemichina yekushandisa mukuita basa ravo, mishonga, mari dzemihoro pamwe nekushaya zvipfeko zvinokodzera pavanorapa varwere.

Vanachiremba vakuru vepachipatara cheParirenyatwa vanga vachidarika makumi mashanu varatidzira pachipatara ichi vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu.

Vange vachiratidzira vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zviine mashoko enyunyuto. Vange vachitiwo kushayikwa kwemichina yavanoshandisa pakuvhiya varwere kuti vavarape kana kuti operation pamwe nekusakara kwemichina mishoma iripo kwave kuvatadzisa kuita basa.

Mumwe wemadhokotera anga achiratidzira aya, Dr David Chimuka, vati kushomeka kwemari dzemihoro dzavanotambiriswa nehurumende pamwe nekushayikwa kwemichina nezvimwe zvikwanisiro zvavanoda mukuita basa ravo kwave kukonzera kuti basa ravo ribve ranetsa kuita.

Mumwe dhokotera, Dr Shingai Chiurunga, vati kuvhiya varwere kwave kuvanetsa kuita pachipatara ichi sezvo vachiti pachipatara apa panogara pasina mvura iyo yavanoti vanoshandisa zvakanyanya pose pavanoita ma operation.

Amai Chiurunga vatiwo mimwe mishonga yakaita se metronidazole iyo yavorapisa varwere haisi kuwanikwa pachipatara ichi izvo zvavekupa kuti vaswere vakangotarisa varwere.

Izvi gumburawo mumwe dhokotera wepachipatara ichi, Dr Simukai Percy Machawira, avo vati vatove nemasvondo akati kuti vasingaite ma operation kuvarwere vachiti pane muchina umwechete uri kushanda pachipatara ichi parizvino kunyange hazvo pane dzimba dzekuitira ma operation aya kana kuti ma theater gumi nemaviri.

Mukuyedza kugadzirisa dambudziko iri, gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vazouya kuzonzwa nhuna dzavanachiremba ava vakavavimbisa kuti vachaedza kugadzirisa matambudziko avari kusangana nawo mukuita basa ravo kunyange hazvo vati homwe yehurumende yakabooka.

VaMoyo vatiwo hurumende iri kushaya mari yekunze yekutenga zvimwe zviri kudiwa navana chiremba sezvo zvichitengwa kunze kwenyika vakavimbisa kuti vachamhanya kuna gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, kuti vanosvitsa chichemo chekuti bazi rezvehutano rikosheswe pakupa kwavanoita mari yekunze kune mamwe mapazi ehurumende.

Vakurudzirawo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muzvipatara kuti vagare vachiuya nezvichemo nekukasika kuhofisi kwavo kuti hurumende igotora matanho ekugadzirisa zvinhu nekukasika.

Mumwe murwere anga ari pachipatara apa nhasi, VaNevanji Rugoyi, vakurudzira hurumende kuti ikurumidze kugadzirisa nhuna dzavanachiremba ava vachiti kuramwa mabasa kwavanachiremba kunonyanyorwadza varwere vavati vave kufa nenyota makumbo ari mumvura sezvo vachizoshaya anovarapa kana vauya kuchipatara.

Kunyange hazvo ana chiremba vakuru vari kuramwa mabasa, ana chiremba vadiki ndivo vanga vachibatsira varwere vanga vari pachipatara ichi kunyange hazvo vamwe vavo vatataura navo vasina kuda kutaura pamhepo vati vari kuzoshaya zvekuita nevamwe varwere vavasingakwanise kubatsira sezvo vanenge vaine hurwere hunotoda anachiremba vakuru vane hunyanzvi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG