Vanhu makumi maviri nevasere vanga vatizira kune imwe imba iri kuHatfield kwavanga vachirapwa vari zvichitevera kurohwa mudzimba kwavanonzi vakaitwa nemasoja mumazuva apfuura, vanonzi vasungwa nemapurisa vari muhupoteri umu.
Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kumiririra vanhu ava, VaKudzai Kadzere, vati vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga.
Masangano anoshanda akazvimirira, vemapato anopikisa pamwe nevedzisvondo vari kushora chisimba chiri kushandiswa nehurumende pamwe nekushungurudzwa kuri kuitwa veruzhinji munyika nemasoja.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe kuti zvinhu zvafamba seyi.
Vanhu vanodarika mazana manomwe vakasungwa svondo rapera zvichitevera mhirizhonga yakaitika mukuratidzira kwemazuva matatu uko kwakadaidzirwa neZimbabwe Congress of Trade Unions.
Bato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti nhengo dzaro dziri kuswera dzichioneswa ndondo nemapurisa ayo ari kufamba achipinda mudzimba aine mauto anenge akapakatira pfuti.
Facebook Forum