Zanu PFinoti ichatanga kudzidzisa nhengo dzayo pamusoro pereferendamu yegwaro rebumbiro idzva remitemo, kana gwaro iri rapasiswa neparamende
Kusawirirana pamusoro pebumbiro idzva remitemo yenyika kunonzi kuchiripo pakati pemapato ari muhurumende, kunyange hazvo pakaumbwa kakomiti kaduku kevamiriri vemapato aya kari kutarisa nezvenyaya iyi
Masangano emachechi mumatunhu eBulawayo neMatabeleland ari kufora muguta reBulawayo nemusi weChina senzira yekuratidza kusafarira huori
Zimbabwe imwe yenyika dzepasi rose ine huori hwakanyanya zvichitevera ongororo yakaitwa nesangano reTransparency International.
Vamiriri vemapato ari muhurumende pamwe nemasachigaro eCOPAC, havana zvavabuda nazvo mumusangano wanga wakatarisirwa kugadzirisa gakava reSecond All Stakeholders Conference
Vamiriri vemapato matatu ari muhurumende vari kusangana neChitatu kuti vatange basa ravakapihwa nevakuru vavo muhurumende.
Bato reMDC T rinoti vanhu vasingazivikanwi vari kumwaya mumaguta nemaruwa zvinyorwa zvine mashoko ari kukurudzira VaTsvangirai kuti vasiyane netsika yekuisa vachamirira bato iri musarudzo vasina kusarudzwa nevanhu
Musangano weKimberley Process, kana kuti KP uri kuitirwa muWashington D.C unonzi uchabvumidza Zimbabwe kutengesa mangoda ayo isingaongororwe
Vanhu vari pakati pegumi nevashanu nemakumi maviri vakandirwa midziyo yavo panze nechikonzi chedare
Vatungamiri vemapato ari muhurumende vari kuburitsa pachena kusawirirana kwavo mumafambisirwo ezvinhu muhurumende
Vatungamiri vehurumende vasangana muHarare kuti vazeye gwara rekutora pagwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika.
Kunetsana kweMDC-T neNCA kunonzi kwakakonzerwa nemashoko anonzi akataurwa nasachigaro weNCA, Professor Lovemore Madhuku, mubepanhau reSunday Mail ekuti VaTsvangirai vaiita sechanana
Youth Agenda Trust inoti yakatoparura chirongwa chekudzidzisa vechidiki nezvekodzero dzavo dzekuvhota pamberi pesarudzo idzo dzingangoitwa gore rinouya
Dutu rine chivhuramabwe rakaparadza misha yakawanda zvikuru uye rikasiya mhuri dzinodarika zana dzisisina pekugara kuMukumbura, kuMount Darwin North
Vatungamiri vehurumende vasangana muHarare negurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, kuti vaziviswe pasvika hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva
CZI inoti remangwana remakambani anogadzira zvinhu munyika harina kujeka, sezvo makambani aya ari kuramba achideredza huwandu hwezvigadzirwa zvawo nekuda kwekuoma kwezvinhu
VaBiti vatura bhajeti remabhiriyoni matatu nemamiriyoni mazana masere emadhora ($3. 8 billion) semari ichashandiswa nehurumende gore rinouya
Apex Council yakasangana neChipiri yakabuda nezvisungo zvayakati inoda kuti zvitariswe naVaTendai Biti, pavacharonga mashandisirwo emari yehurumende gore rinouya
Mutungamiri weZUJ, Dumisani Sibanda, anonzi ambokumbira kuti amire kuita basa rekutungamira zuj zvichitevera nyaya yaari kupomerwa
Copac inoti yapedza kunyora gwaro rezvakabuda pamusangano weSecond All Stakeholders Conference uye yasvitsa gwaro iri kumanagement committee
Rodhai zvimwe