Accessibility links

Breaking News

Zvinhu Hazvisi Kufamba Zvakanaka paBumbiro Idzva


Vamiriri vemapato matatu ari muhurumende pamwe nemasachigaro ekomiti iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, yeCOPAC, havana zvavabuda nazvo mumusangano waitwa neChitatu uyo wanga wakatarisirwa kugadzirisa gakava riripo pamusoro pezviri mugwaro rezvakabuda kumusangano weSecond All Stakeholders Conference mwedzi wapera.

Makurukota matatu uye vari nhengo dzekomiti iri kukokera kunyorwa kwebumbiro idzva anoti gurukota rezvemari, VaTendai Biti veMDC T, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa veZanu PF, uye gurukota rezvekubatana kwematunhu pasi rose, Amai Priscilla Misihairambi-Mushonga veMDC-N, pamwe negurukota rezvebumbiro remitemo, VaEric Matinenga, vanonzi vaona zvakakodzera kuti mapato ambotanga aongorora gwaro iri vasati vasangana zvakare neMuvhuro.

Asi musangano wavo uyu wanga uchifanirwa kutanga kuzeya kunetsana kunonzi kuri pakati pemapato padanho rinofanirwa kutorwa pagwaro rakaburitswa pakazeyiwa gwaro rebumbiro idzva nevemapato pamwe neveruzhinji.

VaMatinenga vaudza Studio 7 kuti vaona zvakakodzera kuti vasati vaita musangano weMuvhuro uyu, mapato ezvematongerwo enyika atange ambowana mukana wekutarisisa gwaro iri kuitira kuti pasazowana vanonyunyuta kuti havana kuriona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG