Accessibility links

Breaking News

Mutemo Woomesera VaKunonga


Vanhu vari pakati pegumi nevashanu nemakumi maviri vanga vachishandisa mipanda yekereke yeAnglican Church yeCathedral muHarare vanonzi vakandirwa midziyo panze nechikonzi chedare zvichitevera kupera kwenguva yavakanga vakapiwa nedare repamusorosoro yekuti vange vabuda mukereke iyi.

Zvinonzi pakati pevanhu vanga vachiitira basa pachechi iyi pane mwanasikana wemukuru weAnglican Church of the Province of Zimbabwe, VaNolbert Kunonga, Runyararo, uyo anonzi ange aine kireshi ine vana vanosvika makumi mana.

Chikonzi chedare, VaNicholas Chakanyuka, vanonzi ndivo vatungamira chikwata chavo mukuburitsa midziyo nevanhu paAnglican Cathedral.

Danho iri rinotevera mutongo wakapiwa nedare reSupreme Court wekuti zvivakwa nemidziyo yekereke yeAnglican, izvo zvanga zvichishandiswa nechikwata chaVaKunonga nechechi yavo yeAnglican Church of the Province of Zimbabwe, zviri pasi pechechi yeChurch of the Province of Central Africa, iyo iri kutungamirwa naBishop Chad Gandiya, uye kuti zvinge zvadzoserwa kuCPCA.

Mutauriri wechikwata chaVaKunonga, VaAlfred Munyanyi, vaudza Studio 7 kuti vange vari mudare panguva yataedza kunzwa divi ravo panyaya iyi.

Mutauriri weCPCA, VaPrecious Shumba, vanoti VaKunonga varambira makiyi emotokari, uye vari kukwidzawo nyaya yavo yekurambira midziyo iyi kudare redzimhosva.

VaShumba vatiwo kuburitswa kwevari kushandisa zvivakwa nemidziyo yechechi yavo kucharamba kuchienderera mberi munzvimbo dzinoti Saint James kuMabvuku, Saint Philips kuTafara uye kuSanit Michaels kuMbare.
XS
SM
MD
LG