Accessibility links

Breaking News

Machechi Oronga Kuratidzira Achishora Huwori


Masangano emachechi ekumatunhu eBulawayo neMatabeleland ari kutarisirwa kufora muguta reBulawayo nemusi weChina senzira yekuratidza kusafarira kwawo huwori uhwo hunonzi hwadzika midzi munyika.

Boka rinorwisa huwori, reZimbabwe Anti-Corruption Commission, riri kutarisirwawo kuve pachiitiko ichi.

Vatendi vari pasi pemasangano anoti Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Christian Alliance, Zimbabwe Council of Churches, pamwe nevanobva kuzvitendero zvepositori vari kutarisirwa kuisawo mazwi avo muhondo yekurwisa huwori, muchiitiko chinouya mushure mekucherechedzwa kwezuva rekuramba huwori pasi rose, reIntrenational Anti-Corruption Day, iro rakacherechedzwa musi wa 9 Zvita.

Kumwe kuratidzira kwakadai kwakaitika muHarare nemusi weMugovera.

Mukuru weChrist Assemblies Fellowship, uye vari mumwe wevari kuronga nezvekuratidzira uku, Reverend Trust Macheka, vati chinangwa chavo ndechekubvisa tsika yehuwori iyo yoita sechimwe chinhu chinonzi munhu haagoni kurarama kana asina.

Ongororo yakaitwa nesangano reTransparency International yakaratidza kuti Zimbabwe imwe yenyika dzine huwori huri hwakanyanya uye sangano iri rakakurudzira hurumende kuti itore matanho mukurwisana nechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG