Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yopomera Vasori Mhosva yeKumwaya Mapepa Anozvidza VaTsvangirai


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti vanhu vasingazivikanwi vari kumwaya mumaguta nemaruwa akawanda zvinyorwa zvine ruvara rwutsvuku uye zvine chidhindo chebato iri, zvine mashoko ari kukurudzira VaTsvangirai kuti vasiyane netsika yekuisa vachamirira bato iri musarudzo vasina kusarudzwa nevanhu.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vati bato ravo rinofungidzira kuti aya mabasa evasori pamwe neZanu PF ekuda kusvibisa mutungamiri wavo pamberi pesarudzo, uye vachakurudzira nhengo dzavo kuti dzisateerera zviri pazvinyorwa izvi.

VaMowonzora vati mapepa aya akakandwa mumaguta anoti Mutare, kuManicakand, Harare, Gweru, kuMidlands neBulawayo uye vari kutarisira kuti achakandwa mumatunhu akawanda munyika senzira yekukonzera nyonganyonga mubato ravo.

MDC T iri kutarisirwa kuita sarudzo mwedzi uno dzekutsvaga vachakwikwidza musarudzo dzegore rinouya, asi paine nzira yekutanga pawonekwa kana vamiriri varipo iye zvino vachiri kudiwa nevanhu. Maitiro aya anonzi haasi kufadza vamwe mubato iri, avo vari kuzviona senzira yekudzivirira vamwe vari pazvigaro.

Asi VaTsvangirai svondo rapera vakakurudzira vatsigiri vavo kuti vasambunyikidza vanhu nekuisa vachamirira bato musarudzo ivo vasina kusarudzwa neveruzhinji.

VaMwonzora vaudza Studio7 kuti chidhindo chiri pamapepa aya ndechenhando izvo zvaita kuti varambe kuti zvingadai zviri kuitwa nevari kugunun’una mubato ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG