Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vanoda Kuisa Pfungwa Dzavo muBhajeti ra2013


Zimbabwe Protest
Zimbabwe Protest
Vashandi vehurumende kuburikidza nesangano ravo reApex Council, vakasangana muHarare neChipiri vakabuda nezvisungo zvavakati vanoda kuti zvitariswe negurukota rezvemari, VaTendai Biti, pavacharonga mashandisirwo emari yehurumende gore rinouya. VaBiti vari kutarisirwa kutura muparamende hurongwa hwavo hwemari yehurumende gore rinouya.

Zviri kuchemerwa nevashandi ava zvinosanganisira mihoro inofambirana nePoverty Datum Line, iyo iri pamazana matanhatatu emadhora, mari dzekubatsirikana dzine musoro, uye kuti dzisabatirwa mutero, mari yemagetsi nemvura imire kukwidzwa zvisina mwero, uye kuderedzwa kwemari dziri kushandiswa nevatungamiri vehurumende munzendo dzavo, idzo vanoti dzakawandisa.

Mutungamiri weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vati sevashandi vehurumende havana kupihwawo mukana wekuti vaisewo pfungwa dzavo muhurongwa hwebhajeti regore rinouya.

Vatiwo vanotambira mari dzebhonasi dzakatanga kupiwa vashandi vehurumende neChipiri asi havafari nenzira yadziri kupiwa nayo yekuvaisa mumapoka vopiwa mari idzi mukati memwedzi miviri kana mitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG