Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotengesa Mangoda Ayo Isingatariswi


Musangano weKimberley Process, KP, uri kuitirwa muWashington D.C kuno muAmerica wabvumidza Zimbabwe kutengesa mangoda ayo isingaongororwe.

Dare reWorking Group on Monitoring resangano reKP, sachigaro waro iri European Union, rinonzi rakawirirana neChipiri kuti vari kuongorora mafambisirwo ekutengeswa kwemangoda ekwaMarange pari zvino, VaMarc Van Bockstael, vachimira kuita izvi, sezvo Zimbabwe yaratidza kuti iri kuzadzisa zvakatarwa neKP kuitira kuti ikwanise kubvumidzwa kutengesa mangoda ayo isina vanoitarisa.

Musangano uyu unonziwo uchiri kuzeya nyaya yekuti chii chinonzi mangoda eropa, uye kuti mangoda eZimbabwe angapinzwa here muchikwata chenyika dzinonzi dzine mangoda eropa.

Musangano weKP unopera neChishanu apo nyaya yeZimbabwe ichaburitswa zviri pamutemo.

Hurumende iri kumirirwa negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vachitsigirwa nemuchuchisi wehurumende, VaJohannes Tomana, pamwe nasachigaro weZimbabwe Mining Development Corporation, Va Godwills Masimirembwa.

Sachigaro weResources Exploitation Watch, VaTafadzwa Musarara, avo vari kupindawo musangano uyu vanoti kupiwa mvumo kweZimbabwe kunoratidza kuti yakwanisa kuzadzisa zviga zvayakanga yatemerwa kunzi izadzise.

VaMusarara vanoti zviri kufadza zvikuru kuti Zimbabwe yapiwa mvumo iyi uye kuti makambani ari kuchera mangoda kwaMarange ari kushanda achitevera mitemo yakatarwa nekukwanisa kuizadzisa.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vachitarisa zviri kuitika kwaMarange uye vari mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti kupiwa kweZimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ayo isina vanoitarisa kuchareva kuti mangoda akawanda achatengeswa pamisika yekunze, uye hapana mari yakawanda ichapinda muhomwe yehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG