Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri Vozeya Gwara Rekutora paBumbiro Idzva


Vatungamiri vehurumende vasangana muHarare kuti vazeye gwara rekutora pagwaro rebumbiro idzva remitemo yenyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pamwe chete negurukota rezvebumbiro remitemo pamwe nemabasa eparamande, VaEric Matinenga, ndivo vanonzi vatanga kusangana kwemaminetsi angangosvika makumi mana.

Asi hazvina kujeka kuti mutungamiri werimwe bato reMDC, uye vari gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, avo vanonzi vambosara vari panze pange pachikurukurwa nyaya, vazopindawo here mumusangano wavanonzi vazodaidzwa kwapera maminetsi makumi mana.

Munyori mukuru weMDC yaVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, vanoti pasvika VaNcube pamahofisi epaMunhumutapa, vasiiwa panze vamwe vatungamiri ava vachipinda muhofisi maitirwa musangano, asi vakazodaidzwa kwapera maminitsi angasvika makumi mana.

Amai Misihairambwi-Mushonga havana kuzotsanangura zvizere kana VaNcube vazoenderera mberi nemusangano uyu sezvo vanga vomhanyira kumumwe musangano wavanga vachifanirwa kupinda.

Vakafanobata chigaro chemutauriri waVaTsvangirai, VaWilliam Bango, vanoti VaNcube vapinda mumusangano waita neMuvhuro.

VaBango vanotiwo musangano uyu wafamba zvakanaka chose asi vatungamiri ava vati vanoda nguva yekuti mapato avo azeye zvichiri kuda kugadziriswa bumbiro risati raendeswa kuparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG