Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe PTUZ, rinoti rakwira kudare rezvebasa nevashandi (Labour Court) richipikisa danho rehurumende rekushevedza varairidzi vari pazororo kuti vadzoke kumabasa kuitira kuti vakwanise kuverengwa kechipiri
Va Zvemhare, avo vanonyanyozivikanwa nezita remadunhururirwa rekuti Baba vaTennsen kuburikidza nenyambo dzavanoita, vakanowana basa rekushanda sagadheni bhoyi pane mumwe muchena pavakabatwa zvakanaka chose
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti hurumende yasimudzira zvakare kumbunyikidzwa kwevanhu zvichitevera kumiswa pamberi pedare kuMasvingo neChipiri kwaVaNaison Mudzuri, avo vanonzi vanotsigira bato rinopikisa, vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe
Kushomeka kwemari iri kutenderera munyika kunonzi kwakakonzera kuti mitengo yezvinhu zviri muzvitoro idzikre nezvikamu zvinodarika zvishoma zviviri kubva muzana, 2.47 percent mumwedzi waZvita wegore rapera.
Rimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers’ Union, rinoti rinotambira nemufaro danho rehurumende rekubatsira varimi vedunhu reChiredzi kuti vakwanise kutenga chikafu chezvipfuyo zvayo nemutengo uri pasi.
Panguva iyo ruzhinji rwuri kuchema kuti rwuri kunonga svosve nemuromo munyika, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemhuri yavo, vanonzi vari kunze kwenyika, kure kure, kumabvirazuva, uko kwavanonzi vari kuzororo remwedzi wose vachipfachura
Chizvarwa cheZimbabwe, VaRicky Mukonza, avo vari kugara kuSouth Africa, vanoti havana kurasa hama dzavo kubva pavakapira gotsi musha wavo vachienda kuSouth Africa
Zvikoro zvavhurwa munyika paine mashoko ekuti hutungamiri hwezvimwe zvikoro hwanga hwuchidzosera kudzimba vana vasina kubhadhara mari dzechikoro kana dzeruvako
Sachigaro weColaz, VaDavid Dzatsunga, vanoti mashoko aVaMoyo aya mashoko anogona kunyunyutisa sezvo hurumende iine nzira dzekuranga nadzo vashandi vayo vanenge vasingaite basa rinogutsa, pane kuti vanhu vose vazorwe mafuta enguruve yavasina kudya.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vane maonero akasiyanasiyana panyaya yemamiriro achange akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika mugore ra2016
Vari kunze kwenyika vanoti mamiriro ezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi kuZimbabwe ari kuvakanganisa zvakanyanya, sezvo zvichiguma zvowedzera mitoro iri pamapfudzi avo wekuriritira mhuri
Bato reMDC T rinoti riri kushora zvakanyanya mashoko ekuti hurumende ine hurongwa hwekuendesa dzimwe nzou kuChina senzira yekuti mhuka idzi dzichengetedzeke
Mapurisa akapakatira zvombo nemboma aparadza zvine chisimba kuratidzira kwanga kwakarongwa nesangano revarairidzi reRural Teachers Union of Zimbabwe rakabatana nesangano rinorwira kodzero reZimbabwe Activists Alliance muguta reHarare
Gore idzva ra 2016 ratanga zvakaipa vana chiremba navana mukoti vachitadza kuenda kubasa vachiti havana mari dzekufambisa dzinovakwanira.
Senyika yakawana kuzvitonga kuzere mushure mekudeuka kweropa rakawanda, vakawanda vanoshamisika nekunyarara kwevana veZimbabwe munguva ino yekuoma kwezvinhu
Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe riri kuyambira kuti mitengo yechibage nehpfu ichakwira zvakanyanya mumaziva mashoma anotevera sezvo pasina kunyatsowirirana pakati pesangano iri nehurumende panyaya yekutenga chibage kunze kwenyika.
Varairidzi vazokwanisa kuwana mari dzavo dzemihoro kumabhanga avo, asi vari kuchema zvikuru nekubatirwa mari dzemudyandigere, idzo vanoti dzakangobatwa vasina kuwirirana nehurumende
Vana chiremba nana mukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende vazivisa hurumende kuti vacharega kuenda kubasa panotanga mwedzi unouya kana vasina kupihwa mari dzavo mwedzi uno waZvita usati wapera
Vamwe vashandi vanobatsira muguta reMasvingo vakabatana nekomiti inoona nezve kuchengetedzwa kwevana vasimudzira mweya yevana pamwe nevakura vanoshaya munzvimbo yavagere munguva ino yeKisimusi
Bepanhau reNewsDay rinoti VaMugabe vakaitira makurukota avo, vadare pamwe nehutungamiri hwebato ravo mabiko ekupera kwegore
Rodhai zvimwe