Accessibility links

Breaking News

Zororo raVaMugabe Mhiri kweMakungwa Rokonzera Mutauro


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Panguva iyo ruzhinji rwuri kuchema kuti rwuri kunonga svosve nemuromo munyika, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe nemhuri yavo, vanonzi vari kunze kwenyika, kure kure, kumabvirazuva, uko kwavanonzi vari kuzororo remwedzi wose vachipfachura.

Vemapato anopikisa kusanganisira VaObert Gutu vanove mutauriri weMDC T, vanoti nekuoma kwezvinhu munyika, mutungamiri wenyika angadai akaratidza hubaba hwake nekuramba kuenda kunze kwenyika kuzororo achisiya vana vachizhamba nenzara.

VaGutu vanoti munyika mune nzvimbo dzakawanda dzekushanyira nekudyira mari, pane kuenda kumhiri kwemakungwa nechikwata chevanhu chinosanganisira mukuwasha nevanakomana vavo.

“Mari iri kudyiwa naVaMugabe iyoyo imari yaikwanisa kutengera vanhu chikafu, kubatsira mhuri dzakawanda dziri kutadza kuendesa vana kuzvikoro kana kupa vashandi muhoro,” VaGutu vanodaro.

VaMugabe vakaenda kunze kwenyika vachisiya vashandi vehurumende vasati vatambira mihoro yavo yemwedzi yaZvita pamwechete nemabhonasi avaifanirwa kunge vakawaniswa muna Mbudzi wegore rapera.

Vamwe ndivo vanoti mari yakashandiswa nemutungamiri wenyika nemhuri yavo, iyo isingazivikanwi kuti yakawanda zvakadii sezvo isingataurwe, inofanirwa kuziviswa kuvana veZimbabwe sezvo iri mari yemitero yavo.

Asi nhengo yeZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika VaGadzira Chirumhanzu vanoti havaoni paine chakaipa pakuenda kwaVaMugabe kuzororo kwavanoda sezvo mari yavanoshandisa iri mari inotarwa nemutemo wenyika.

“Ivava vanaVaGutu kuparamende kwavanoenda uku ndivo vakavhotera kuti mutungamiri wenyika apiwe mari yaanoshandisa,” VaChirumhanzu vanodaro.

Vanoti hapana nyika pasi rose dzinotaura bhajeti remutungamiri wenyika, saka Zimbabwe haifanirwe kuve iyo yekutanga kuita izvi.

Chimwe chinonzi chiri kunyanyobata vamwe vanhu kunyararwa kwezviri kuitika kuna VaMugabe ikoko, izvo zvinonzi zvave kukonzera kuti vamwe, zvikuru vanonyora mumadandemutande, vanyore mashoko akasiyanasiyana pamusoro pehutano hwavo.

Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vakaramba mashoko ekuti VaMugabe vari kurwa.

Gore roga roga VaMugabe vanoenda kumabvazuva kuzororo asi nguva zhinji panosimudzwa mitauro yakafanana neyehutano hwavo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG