Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba, Vakoti, Voronga Kuramwa Mabasa Kutanga kweGore


Hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe iri kupomerwa mhosva yekutadza kubhadhara vashandi vayo. (AP Photo)
Hurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe iri kupomerwa mhosva yekutadza kubhadhara vashandi vayo. (AP Photo)

Vana chiremba nana mukoti vanoshanda muzvipatara zvehurumende vazivisa hurumende kuti vacharega kuenda kubasa panotanga mwedzi unouya kana vasina kupihwa mari dzavo mwedzi uno waZvita usati wapera.

Izvi zvataurwa nemutungamiri wesangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende, reZimbabwe Hospital Doctors Association, VaFortune Nyamande, avo vanoti sangano ravo rakabatana nesangano ravana mukoti reZimbabwe Nurses association vanyorera hurumende tsamba vachiizivsa nezvedanho iri.

Doctor Nyamande vanoti vanyorera hurumende vachiizivisa nezvedanho ravachatora rekusaenda kumabasa kubva musi wa 1 Ndira gore rinouya.

Vanoti ivo nevakoti vemuzvipatara zvehurumende vatora danho iri nezvikonzero zvekushaiwa mari dzekufambisa sezvo vasati vatambira mihoro yavo yemwedzi uno pamwechete nemari dzebhonasi dzavakavimbiswa nehurumende.

Doctor Nyamande vashorawo mafambisirwo avanoti ari kuitwa mashoko nehurumende, ekushandisa mapepanhau ichisiya nzira dzagara dziripo kare dzekutaurirana.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatozivisa kuti hurumende ichatadza kubhadhara vamwe vashandi vayo gore rino nekuda kwekushomeka kwemari iri kupinda muhomwe dzayo.

“VaChinamasa vakashandisa mapepanhau kuti zivisa nezvekushandurwa kwemazuva edu ekutambira mihoro yedu, saka nesu tichashandisawo nzira idzodzo,” Doctor Nyamande vanodaro.

Varairidzi, avo vaifanirwa kutambira mari dzavo neMuvhuro, vanzi vave kutambira neChipiri, asi ruzhinji rwose kusanganisira vanachiremba nevakoti, vachinzi vachazowana mari dzavo musi wa 5 Ndira gore rinouya.

Asi vashandi vazhinji vehurumende vataura neStudio 7 vanoti havana chivimbo chekuti vanowaniswa mari dzavo pamazuva matsva akatarwa.

Takundikana kubata gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, pamwe negurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, kuti tinzwe kana pane matanho avachatora ekudzivirira dambudziko ringaitika kana vanachiremba nanamukoti vakaramwa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG