Accessibility links

Breaking News

Kusatirimuka Munguva yeKuoma kweZvinhu Kokonzera Mibvunzo Yakawanda


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Senyika yakawana kuzvitonga kuzere mushure mekudeuka kweropa rakawanda, vakawanda vanoshamisika nekunyarara kwevana veZimbabwe munguva ino yekuoma kwezvinhu

Senyika yakawana kuzvitonga kuzere mushure mekudeuka kweropa rakawanda, vakawanda vanoshamisika nekunyarara kwevana veZimbabwe munguva ino yekuoma kwezvinhu.

Vakuru pavakati “chisionekwi humhandara hwaamai” vakanga vasina kuziva kuti gore ra2015 richange rakatakureyi chekupa kuvana veZimbabwe.

Gore iri rakava gore rakaonekwa nhamo tsvuku neveruzhinji zvichitevera kuburitswa mabasa, kushungurudzwa kwevanorarama nekutengesa mumigwagwa, kushaikwa kwechikafu, kurambidzwa kwembatya dzakambopfekwa kupinzwa munyika nezvimwe zvakawanda.

Chakazoonesa vazhinji humhandara hwavana amai vavo kunonoka kutambiriswa mihoro kwevashandi vehurumende pamwe nekukundikana kwehurumende kutenda vashandi vayo nemabhonasi sezvayasiita makore akare.

Nyanzvi mune zvemnatongerwo enyika, VaIsrael Moyo, vanoti vanhu vari kupedza nguva vachishoropodza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu PF, vasingatarisi zviri kuitika mumapato anopikisa akaita seMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tvsngirai, iyo yatsemukatsemuka nekuda kwehumbimbindoga.

“Dambudziko hombe randiri kuona nderekuti hutungamiri hwedu hwaahwehudzvanyiriri, hwaahwehumbimbindoga, hwekuti ndinzi ndini,” vanodaro VaMoyo.

Mashoko aVaMoyo aya anotsinhirwa nemukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, avo vanoti vana veZimbabwe havasi kukwanisa kupinda mumigwagwa nekuti havana hutungamiri.

“Vanhu havasi kukwanisa kuti vange vachipinda muma street nekuti hutungamiri hahupo, hweku opposition, hweku civic society,” Doctor Ruhanya vanodaro.

Vanoti vanhu vanyanya kungoita humbimbindoga, kungoparadzana, vachiti vamwe vari kungofoma zvimapato zvematongerwo enyika.

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inotaura yakazvimirira, VaClifford Mashiri, vanotiwo naivo vanoshamiswawo kuti vana veZimbabwe nehudzvanyiriri hwakawanda kudai munyika, vanoramba vakangoshingirira.

“Vemapato anopokana neZanu PF vanofanirwa kutsanangura kuti sei vasiri kukurudzira vanhu kuti vapinde mumigwagwa vachiratidzira,” VaMashiri vanodaro.

VaMshiri vanoti izvi zvinoratidza kuti hutungamiri hwemapato anokwikwidzana neZanu PF hahusati hwanyanyojeka, hahuna kusimba uye hunoda kugadziriswa.

Asi mutauriri werimwe remapato anopikisa reNational Constitutional Assembly, VaMadock Chivasa, vanoti chakasunga vana veZimbabwe mbiradzakondo mimwe mitemo inovasungirira izvo zvinoita kuti vatye kupinda mumigwagwa.

“Vana veZimbabwe ndivo vane masimba ekusarudza kuti ndiyani anenge ari hurumende,” VaChivasa vanodaro.

“Chatinokwanisa chete kuita kuisa pressure pahurumende kuti inge ichibhadhara vashandi mari dzavo.”

Nhengo yeZanu PF inomirira Pelandaba-Mpopoma mudare reparamende, VaJoseph Tshuma, vanoti pfungwa dzevanhu vari kukurudzira kuti vana veZimbabwe vapinde mumigwagwa vachiratidzira kuhurumende yavo, ipfungwa dzaSatani, uye hadzifanirwi kunge dzichibvumirwa.

VaTshuma vanoti hongu zvinozivikanwa kuti vanhu vane marwadzo akati kuti, asi haakundwi nekuratidzira pamwe nekumukira nyika yavo.

Asi vamwe vanoti kusvika vana veZimbabwe vazvirumura kubva pazamu ravakarara naro mumukanwa, hupenyu hwavo hucharamba huri hwematakadya kare, ayo asinganyaradzi mwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG