Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomutsiridza Kutongwa kweVanonzi Vakatuka VaMugabe


Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti hurumende iri kushungurudza vanhu zvisina musoro
Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti hurumende iri kushungurudza vanhu zvisina musoro

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti hurumende yasimudzira zvakare kumbunyikidzwa kwevanhu zvichitevera kumiswa pamberi pedare kuMasvingo neChipiri kwaVaNaison Mudzuri, avo vanonzi vanotsigira bato rinopikisa, vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, rinoti hurumende yasimudzira zvakare kumbunyikidzwa kwevanhu zvichitevera kumiswa pamberi pedare kuMasvingo neChipiri kwaVaNaison Mudzuri, vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda, vanoti VaMudzuri vari kupomerwa mhosva yekutuka VaMugabe mugore ra2013, vachinzi mukuita izvi vakatyora mutemo weSection 33 yeCriminal (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.

Vanotiwo mumwe achamiswa pamberi pedare kuMwenezi neChitatu, ndaVaPolite Zambezi, vanove mushandi weNational Railways of Zimbabwe, avo vari kunziwo vakatukawo mutungamiri wenyika muna 2012.

Vaviri ava vanonzi vakatombosungwa pavakanzi vapara mhosva idzi asi havana kuzomiswa pamberi pematare.

VaMafunda vanoti nyaya yaVaMudzuri yatadza kuenderera mberi mudare mushure mekunge gweta ravo, VaBlessing Nyamaropa, vapikisa vachiti gwaro rekuti VaMudzuri vamiswe mudare ranga risina kusainwa nemuchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vachipa mvumo yavo.

Gwaro rashandiswa mudare rinonzi rakasainwa nemumwe mukuru wemapurisa kuMasvingo kwakare.

Mutongi wedare anonzi asendeka nyaya iyi parutivi achitsigirana nechikumbiro chaVaMudzuri chekuti nyaya iyi isaenderera mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG