Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Voremerwawo neMamiriro Akaita Zvinhu Munyika


Vari kunze kwenyika vari kuchemerawo kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzekumusha
Vari kunze kwenyika vari kuchemerawo kuti vakwanise kuvhota musarudzo dzekumusha

Vari kunze kwenyika vanoti mamiriro ezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nehupfumi kuZimbabwe ari kuvakanganisawo zvakanyanya, sezvo zvichiguma zvowedzera mitoro iri pamapfudzi avo wekuriritira mhuri.

Vanhu ava vanoti kuoma kwezvinhu zvikuru munyaya dzeupfumi kuri kuita kuti hama neshamwari dziri kumusha dzitadze kuita zvinhu zvakawanda.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kunze kwenyika, VaSolomon Chikowero, avo vari muJohannesburg, South Africa, vanoti kusagadzikanawo kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika kuri kuita kuti vamwe vanhu vatadze kusununguka munyika.

VaChikowero, avo vanove sachigaro wesangano reGlobal Zimbabwe Forum, vanoti nhamo yevari kumusha yakafanana neya amai vatsva kumusana, mwana achitsva dumbu.

“Hurumende inofanirwa kucherechedza mune zvese vana vayo vari kunze kwenyika, kwete kungotida pamari yedu chete,” VaChikowero vanodaro.

Vanoti chave kudiwa pari zvino ndechekuti vari kunze kwenyika vagare pasi nehurumende vawirirane panyaya dzakati kuti dziri kubata vari kunze dzakaita seyekuve chizvarwa chekune imwe nyika usingaraisikirwi nekodzero dzako dzekuve chizvarwa cheZimbabwe, kukwanisa kuvhota, nezvimwe zvakadaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG