Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoparadza neChisimba Kuratidzira kweRural Teachers Union of Zimbabwe


Zimbabwe Police
Zimbabwe Police

Mapurisa akapakatira zvombo nemboma aparadza zvine chisimba kuratidzira kwanga kwakarongwa nesangano revarairidzi reRural Teachers Union of Zimbabwe rakabatana nesangano rinorwira kodzero reZimbabwe Activists Alliance muguta reHarare.

Masangano maviri aya anga abatana kuti aratidzire achinyunyuta nekunonoka kutambiriswa mihoro yaZvita kwevashandi vehurumende, kukundikana kwayo kubhadhara mari dzemabhonasi uyewo nekuramba zvikamu zvinomwe nechidimbu kubva muzana zvemari yakabatirwa vashandi ichinzi ndeyemudyandigere.

Mumwe wevakaronga kuratidzira uku, uye vachitungamira sangano reZimbabwe Activists Alliance, Muzvare Lynette Mudehwe, vanoti chimwe chinangwa chavo changa chiri chekutsigirana nevashandi vemuzvipatara vasiri kuenda kumabasa pari zvino.

Muzvare Mudehwe vanoti chinangwa chavo changa chiri chekunosiya magwaro avo enyunyuto kumahofisi egurukota rezvemari, VaPatrck Chinamasa, nekumahofisi egurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, asi vazoshamiswa zvikuru kuwana vakagarirwa nemapurisa ayo azotanga kungovabhura zvisina shumo.

Vanoti vanhu vane chitsama vakuvara uye hutungamiri hweRural Teachers Union of Zimbabwe hunoti VaObert Masaraure, VaPride Mukono pamwe naVaRobson Chere hwambotorwa ndokumbochengetedzwa nemapurisa kwemaawa akati kuti.

Gweta riri kumirira vatatu ava, VaGift Mtisi veZzimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti vatatu ava vazoregedzwa mushure mekupomerwa mhosva yekupinda mukuratidzira kuri kunze kwemutemo.

VaMasaraure vaudzawo Studio 7 kuti vanzi mapurisa achazoenderera mberi achishandisa masamanisi kana azofunga kutevera nyaya iyi.

Asi Muzvare Mudehwe vanoti vakazivisa mapurisa nezvekuda kuratidzira kwavo uku musi wa31 Zvita gore rapera, zvekuti vatozoshamisika vorambidzwa kuenderera mberi.

“Mapurisa akati haaitidhira tsamba yedu asi akanyora seri kwetsamba iyi kuti vakanga vaona tsamba yedu,” Muzvare Mudehwe vanodaro.

Vamwe vevakuvara zvakaipisisa vanosanganisira Muzvare Rutendo Kawadza, avo vanonzi vatyoka gumbo, vakaendeswa kuchipatara cheAvenues Clinic.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG