Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshora Mabiko aVaMugabe Iyo Nyika Ine nzara


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Vakuru vakati chakupa ronda chati nhunzi dzikudye. Izvi zvave kubuda sechokwadi zvichitevera kutemwa kubva kumativi ose kwoitwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kushoropodzwa nekuita mabiko mahombe kumuzinda kwavo svondo rino iyo nyika ichinonga svosve nemuromo.

Bepanhau reNewsDay rinoti VaMugabe vakaitira makurukota avo, nhengo dzeparamende, pamwe nehutungamiri hwebato ravo mabiko ekupera kwegore.

Asi hazvina kuzivikanwa kuti vakashandisa mari yakawanda zvakadii kuita mabiko aya.

Mumashoko avo pamabiko aya, VaMugabe vanonzi vakatendawo vana veZimbabwe nehushingi hwavo munguva yekunge zvinhu zvakaoma.

Asi vamwe, kusanganisira vemapato anopikisa, vanoti mutungamiri wenyika aifanirwa kusendeka mabiko aya senzira yekuremekedza ruzhinji rwevanhu rwuri kutadza kupemberera Kisimusi nemazvo, kusanganisira vashandi vehurumende avo vasati vawana mihoro yavo.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu, vanoti hurumende yaVaMugabe yakaratidza kusave nehany’a nevanhu vayo, kana ichienderera mberi nemabiko anofadza vanhu vashomashoma, asi ruzhinji rwuchinonga svosve nemuromo.

“Zvinhu zvinonyadzisa zvikuru kuti hurumende yakabhuroka, isina necheuviri seyeZanu PF inotungamirirwa naPresident Mugabe inoonekwa ichiunganidza mhomho yevanhu, vachiita mabiko vachinwa, vachidya, vachidhakwa, vachitamba, ruzhinji rwenyika more than 80% yomunyika vachifa nenzara,” VaGutu vanodaro.

VaGutu vanoti hurumende inofanirwa kutungamidza mberi zvinhu zvinovaka nyika, kwete zvido zvevashoma, izvo zvauraya nyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachitsigira Zanu PF, VaGoodson Nguni, vanoti havaoni chakaipa pakuitwa kwemabiko aya nemutungamiri wenyika, sezvo pasina mari zhinji yakashandiswa.

“Hapana zvikuru zvakadyiwa kunze kwesadza ne rice nenyama zvakadhonetwa naVaMugabe,” VaNguni vanodaro.

“Mari iyoyo yakanga isingakwanisi kana kubhadhara vashandi vatatu vehurumende.”

VaNguni vanoti chinoshamisa ndechekuti mari yakashandiswa kumabiko aya iri mubhajeti remutungamiri wenyika rinovhoterwa nekupasiswa nenhengo dzeparamende, kusanganisira dzeMDC asi gore rese hapana zvadzakataura, vozoda kutaura iye zvino.

VaMugabe vanonzi rimwe gore vakambosendeka mabiko ekupemberera bhavhadhe ravo, vachiti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka munyika munyaya dzeupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG