Bato reMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, iro rakatarisana nematambudziko ekutizwa nevamawe vakuru vakuru mubato iri vachienda kune chikwata chiri kuzviti MDC Renewal Team, rinoti ratanga hurongwa hwekuyedza kusimbisa bato pasati paitwa kongiresi muna Gumiguru.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira hurumende kuti ivandudze mitemo uye kudyidzana kwayo nenyika dzekunze kuitira kuti igadzirise dambudziko rekutadza kwevanhu kutenga zvinhu iro rapfunya chisero munyika.
Sangano reHarare Residents Trust rinoti riri kuzoenda kumagweta kuti ripikise zviri kuitwa nekanzuru zvekuronga kuendesa kumatare vagari vari kunzi vane zvikwereti kukanzuru.
Sangano reunited nations rinoti vanhu vanosvika zvikamu gumi kubva muzana kana kuti vanhu mamiriyoni mazana matanhatu ane makumi mashanu pasi rose vakaremara
Vakuru vakuru vebhanga reEuropean Investment Bank vakapinda munyika neChipiri kuti vazoite hurukuro nevakuru vemaindasitiri paine tarisiro yekupa makambani emuZimbabwe zvikwereti kana panyoreranwa zvibvumirano.
Gurukota rinoona nezvekufambiswa nekutakurwa kwevanhu nezvinhu, VaObert Mpofu, vanoti vari kuita misangano nemapazi akasiyana siyana yekuyedza kugadzirisa nyaya yemakombi emuguta reHarare ayo akonzera nyonga nyonga uye kudeura ropa apo anenge achiita hwagonzo nakiti nemapurisa.
Kutukwa kwakaitwa gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, parufu rwegamba renyika VaNathan Shamuyarira, kunonzi neveruzhinji kune chekuita nemakakatanwa ekurwira masimba ari kuitika muZanu-PF.
Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvagirai vanoti havaone chakaipa kuti hurumende yeZanu-PF idyidzane nesangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union kana kuti EU chero paine kuremekedza nyaya yekodzero dzevanhu munyika.
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vadzoka kubasa mushure mekurwara kwemasvondo maviri.
Mukuru we Roman Catholic, Pope Francis, neMuvhuro vakaita musangano nemabhishopu emuZimbabwe vakavatenda nekuramba vakamira semusambangwena kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko makukutu.
Kukundwa kweZimbabwe mumakundano e 2015 Africa Cup of Nations neTanzania kwaradza vakawanda sezvo vanga vasingatarisire kuti maWarriors angabuditswe nechikwata chisina mukurumbira chemaTaifa Stars.
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vari kukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzimbomira nyaya yekutsvaga zvigaro kana kutaura vatungamiri vavari kutsigira sezvo bato risati rapedza kuzeya nyaya dzesarudzo.
Sangano revagari vemuHarare reHarare Residents Trust rinoti harisi kufara nekomiti yakaumbwa nekanzuru yeguta kuongororora huori hunonzi hwakaitwa nevamwe vakuru vekanzuru kusanganisa town clerk VaTendai Mahachi pachikwereti chakapihwa kanzuru neChina chekugadzirisa michina yemvura nemasiweji.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vange vachirapwa kuSingapore vakadzoka munyika neChishanu asi vakabva vasimuka vakananga kuPretoria, South Africa uko vachange vari munyarikani pakutoreswa mhiko kwemutungamiri weSouth Africa VaJacob Zuma.
NeChina bumbiro remitemo reZimbabwe rakasvitsa gore kubva zvaratambirwa kuva mutemo wenyika apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaisa runyoro rwavo.
Zimbabwe iri pakati penyika dzepasi rino dzisingachengetedze kodzero dzevashandi.
Munguva yekutsvaga rutsigiro musarudzo gore rapera, rwiyo rweZanu-PF rwaiva rwekuti chimurenga chekuendesa hupfumi kuvatema hachisi kuzodzokera kumashure.
Dare repamusoro soro remuSouth Africa neMuvhuro range richinzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nehurumende yeSouth Africa ichipikisa mutongo wekuti hurumende yenyika iyi isunge makurukota ehurumende yeZimbabwe vari kupomerwa mhosva dzekutocha uye kuuraya vatsigiri veMDC-T muna 2007.
Magweta aVaMunyaradzo Kereke akakwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro neChina achipikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro wekuti VaTomana vape tsamba yekuti vageza maoko avo panyaya iyi.
Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu rinoti hurumende yakaita chikiribidi pamafashamu emvura emudhamu reTokwe Mukosi senzira yekutyisidzira vanhu kuti vabve munzvimbo iyi zvechimbi chimbi.
Rodhai zvimwe