Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voenda kuSouth Africa Kunoona Kugadzwa KwaVaZuma


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vange vachirapwa kuSingapore vakadzoka munyika neChishanu asi vakabva vasimuka vakananga kuPretoria, South Africa uko vachange vari munyarikani pakutoreswa mhiko kwemutungamiri weSouth Africa VaJacob Zuma.

Vatungamiri venyika, vatungamiri vehurumende nemadzimambo kubva kunyika dzinopfuura makumi matatu vakokwa kumusangano uyu.

Vamwe vatungamiri venyika vanenge variko vanosanganisa mutungamiri wenyika yeTanzania VaJakaya Kikwete, mutungamiri wenyika yeBotswana VaIan Khama, mutungamiri wekenya VaUhuru Kenyatta nevamwe.kunyangwe hazvo VaZuma vasina kuuya pakutoreswa mhiko kwaVaMugabe gore rapera, bato reZanu-PF neANC anenge anowirirana.

VaZuma ndivo vakange vari mutongi gava weSADC pagakava remuZimbabwe mushure mukunge vatora chigaro ichi kubva kune vaimbotungamirawo nyika iyi VaThabo Mbeki. Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviriwo muSouth Africa uye panyaya dzehupfumi, South Africa ndiyo inonyanyodyidzana zvakanyanya neZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaShakespeare Hamauswa vanodzidzisa paMulungushi University vanoti vanhu vemuZimbabwe vane kodzero ykuziva nzvehutano hwemutungamiri wenyika yavo.

Vatiwo rwendo rwekuSouth Africa rwakakosha sezvo Zimbabwe neSouth Africa zviine hutano hwakasimba.
XS
SM
MD
LG