Accessibility links

Breaking News

Bumbiro reMutemo Rosvitsa Gore`


zlhr
zlhr
NeChina bumbiro remitemo reZimbabwe rakasvitsa gore kubva zvaratambirwa kuva mutemo wenyika apo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vaisa runyoro rwavo.

Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti reZimbabwe Lawyers for Human Rights ne Amnesty International aburitsa mashoko anoratidza kuti hurumende yeZimbabwe iri kutadza kuvandudza mimwe mitemo inotyora kodzero dzevanhu yakaita seAccess To Information and Protection of Privacy Act (AIPPA) ne Public Order and Security Act (POSA) isisaenderane nebumbiro remutemo idzva.

Masangano aya anoti vanhu vemuZimbabwe vanenge vakangofarira n’anga neinobata mai nekuti hapana chachinja.

Amnesty International inoti mitemo yakaita sePOSA neAIPPA yave kufanira kuvandudzwa kuti ienderane nebumbiro remitemo, asi ichiri kungoshandiswa mukutyora kodzero dzevanhu munyika ichishandiswa kuvarambidza kuita misangano nekuratidzira.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, kuti tinzwe divi rehurumende sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

Chipangamazano musangano reAmnesty International, VaSimeon Mawanza vanoti zvakakosha kuti hurumende igadzirise mitemo isina kumira zvakanaka iyi. Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights neChiona rakakuparurawo gwaro riri kudorongodza nyaya yebumbiro remitemo iyi.

Musangano wekuparura gwaro iri wakaitirwa ku Zimbabwe College of Music muHarare.

Vanyarikana vakadanwa kuti vazotaura vanosanganisira vaive mutongi wedare repamusoro soro kuSouth Africa, VaZak Yacood, vaive mutongi wedare repamusoro munyika, VaMoses Chinhengo, gweta VaBrian Kagoro, uye sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemutemo, muzvare Jessie Majome.

Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chimbgwa, vanoti hurumende yanyanyisa kunonoka kugadzirisa mitemo.

Gweta rinoshanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chimbgwa, vanotiwo hurumende inofanira kugadzirisa mitemo. Asi vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende, vajoram gumbo, kuti tinzwe pamire bato ravo.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG