WASHINGTON —
Gurukota rinoona nezvekufambiswa nekutakurwa kwevanhu nezvinhu, VaObert Mpofu, vanoti vari kuita misangano nemapazi akasiyana siyana yekuyedza kugadzirisa nyaya yemakombi emuguta reHarare ayo akonzera nyonga nyonga.
Madutavanhu aya anonziwo ari kudeura ropa apo anenge achiita hwagonzo nakiti nemapurisa.
Pakati peguta panonzi pawandisawo motokari izvo zava kupa kuti vanhu vatore nguva kuti vaende kwavanenge vachida kuenda.
VaMpofu vanoti vari kuda kuti vaise mabhazi akawanda mumigwagwa nekuwedzera makore evanhu vanotyaira makombi kuti asvike pamakore makumi matatu nemashanu kuitira kuti munhu abvumidzwe kuita basa iri.
VaMpofu vanoti izvi zviri muchinyorwa chehwaro hwehurongwa hwavo hwekuvandudza bazi ravo, National Transport Policy. VaMpofu vanotiwo vachaona kuti zvose zvinoda kuitwa zvaitwa mumakore maviri anotevera.
Masangano evagari vemuHarare akaita se Combined Harare Residents Association, CHRA, neHarare Residents Trust anotiwo haasi kufara nedonga watonga iri kuitika muguta.
Vamwe vagari vemuguta vanotiwo huori hwanyanya mumapurisa zvava kupa kuti paite matambudziko akadai mumigwagwa.
Studio7 haina kukwanisa kubata mapurisa kana vanomiririra varidzi vemakombi kuti tinzwe divi ravo.
Asi meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vari kushanda nemapazi ehurumende mukuyedza kugadzirisa nyaya yemakombi iyi.