Accessibility links

Breaking News

United Nations Yozeya Nyaya yeKodzero dzeVakaremara


Disability issues
Disability issues
Sangano reunited nations rinoti vanhu vanosvika zvikamu gumi kubva muzana kana kuti vanhu mamiriyoni mazana matanhatu ane makumi mashanu pasi rose vakaremara.

Asi pavanhu ava, makumi masere kubva muzana vanonzi vari muafrica. Sangano reunited nations riri kuita musangano kunew york kuzeya nyaya dzine chekuita nevakaremara. Zimbabwe yakatumirawo nhengo dzayo.

Musangano uyu ndewechinomwe uye uri kuitwa pasi pedingindira rekukurudzira kodzero dzavakaremara kuti dzitambirwe neUnited Nations pmawe nedzevechidiki vakaremara. Pachasarudzawo nhengo dzekomiti inoona nezvevakaremara .

Mukuru wesangano reDisabled Women Support Organization Amai Rejoice Timire vanoti misangano yakadai yakakosha zvikuru mukuona kuti kodzero dzevanhu vakaremara.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG