Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoiswa Munyika Dzinotyora Kodzero dzeVashandi


Nicholas Goche
Nicholas Goche
Zimbabwe iri pakati penyika dzepasi rino dzisingachengetedze kodzero dzevashandi.

Izvi zviri muongororo yakaitwa nesangano reInteranational Trade Union Confederation iro rinotarisa nezvekodzero dzevashandi pasi rose.

Ongororo iyi yakaitwa pakati pemwedzi waKubvumbi 2013 kusvika Kurume gore rino.

Dzimwe nyika dzinonzi dziri kutyorawo kodzero dzevashandi dziri muchikwata cheZimbabwe dzinosanganisira, Cambodia, Ivory Coast, Egypt, Fiji, China, India nedzimwe.

Munyika dzine hondo dzakaita seSomalia, Syria, Central African Republic, South Sudan nedzimwe, zvinonzi kodzero dzevashandi dzinotonyanyisa kutyora nenyaya yehondo idzi.

Asi nyika dzinonzi dzinoremekedza kodzero dzevashandi iSouth Africa, Sweden, Togo, Italy, Germany, Norway nedzimwe.

Hatina kubata gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, kuti tinzwe divi ravo.

Asi mumwe wevatevedzeri vemukuru weZCTU, VaGideon Shoko, vanoti hurumende inotyora kodzero dzevashandi nekuvambunyikidza kana vachida kuratidzira.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG