Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Soro muSouth Africa Rozeya Mutongo Wekuti Makurukota eZanu-PF Asungwe


VaJacob Zuma.
VaJacob Zuma.
Dare repamusoro soro remuSouth Africa neMuvhuro range richinzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nehurumende yeSouth Africa ichipikisa mutongo wekuti hurumende yenyika iyi isunge makurukota ehurumende yeZimbabwe vari kupomerwa mhosva dzekutocha uye kuuraya vatsigiri veMDC-T muna 2007.

Vakuru vakuru ava vanosanganisira vemauto nemapurisa

Matare eHigh Court neSupreme Court emuSouth Africa ainge ati vanhu ava vakatsika muSouth Africa vanofanira kusungwa. Asi hurummende yeSouth Africa kuburikidza nemapurisa iri kupikisa mutongo uyu.

Nyaya yekuti vanhu ava vasungwe yakakwidzwa kudare nesangano reSouthern African Litigation Centre nesangano reZimbabwe Exiles Forum muna 2008.

Hatina kukwanisa kubata magweta emapurisa eSouth Africa kana vatauriri vavo kuti tinzwe divi ravo.

Asi hurumende yeANC ichitungamirwa naVaJacob Zuma inoti mumagwaro ayo kumapepa ari kumatare iri kutyira kuti ikada kusunga vatungamiri vehurumende yeZanu-PF zvinogona kukanganisa hukama hwenyika mbiri idzi.

Asi mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti vane chivimbo chekuti vachabudirira sezvo matare ari kuti vakuru ava ngavasungwe.
XS
SM
MD
LG