Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inochema Gamba reReggae, Lucky Dube


Muimbi ane mukurumbira mumumhanzi we Reggae, Lucky Dube, akapfurwa akafa China manheru muRosettenville, Johannesburg ku South Africa. Dube akapfurwa nemumwe wevarume vatatu vaive nepfuti apo akange achisiya mwanakomana wake pamba peshamwari yake. Mutauriri wemapurisa, Looraine Van Emmerick, vaudza nhepfenyuro ye SABC kuti mwanasikana waDube, akaona mafiro akaita baba vake. Dube, uyo anga ava nemakore makumi mana nematatu, asiya mudzimai nevana vanomwe. Hurongwa hwekuvigwa kwake hausati hwaziviswa.

Dube akatanga kuimba achiri mwana mudiki apo akanga ava nemakore gumi nemasere, akabatana nechikwata che The Love Brothers, vachiimba nziyo dze mbaqanga. Muna 1984, Dube akaburitsa dambarefu rinonzi Rastas Never Die. Muna 1985 Dube akaburitsa chimwe chimbo, Think About The Children. Mushure memakore maviri, akaburitsazve kambo kanonzi Slave muna 1987. Nekupindana kwenguva, Dube akaburitsazve dzimbo dzakaita sa Together As One (1988), Prisoner (1989) Captured Live (1990) muna 1999 akaburitsa kamwe kambo The Way It Is. Muna 2003, Dube akaburitsazve chimwe, The Other Side.

Gore rapera, Dube akaburitsa chimwe chimbo chinonzi Respect. Gore rino akashanyira United States uko akaridza munzvimbo dzakawanda, idzo dzinosanganirawo Washington DC. Muhupenyu hwake, muimbi uyu akashanyirawo nyika dzakawanda, dzinosanganisira Zimbabwe, nyika dzemu Europe, uye akatsikisa madambarefu anodarika makumi maviri. Mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, varumbidza Dube, vakakurudzira kuti nyika ibatane mukurwisa mabasa embavha.

VaJohn Mzala Phiri vakamboshanda ne ZBC-TV kwemakore akawanda, uye munhu anga achitevera zvinoitwa naDube.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaPhiri kuti tinzwe pfungwa dzavo nezvekuurayiwa kwaDube.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7..

XS
SM
MD
LG