Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeWOZA Dzoshungurudzwa muHarare

Nhengo dzeWOZA nhatu dzambochengetedzwa nemapurisa kwemaawa matatu dzichibvunzurudzwa nezvemutungamiri wesangano iri, Amai Jenni Williams.

Mapurisa anonzi anga chaida kuziva kuna Mai Williams. Vabvunzurudzwa nemapurisa neChitatu ndiAmai Lilian Ntefula, Amai Alice Kasimamhunda pamwe naMuzvare Clara Manjengwa, avo vanoti vazonzi vaende kumba kwavo mushure mekutyisidzirwa. NeChipiri, magweta eWOZA, VaPhillip Mutombowa pamwe naVaTafadzwa Mugabe, vanonzi vakashungurudzwa nemapurisa apo vaimirira nhengo dzesangano iri.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naMuzvare Manjengwa kuti tinzwe zvaitika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG