Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Gadziriro Yesarudzo Haina Kumira Zvakanaka


Sangano reZESN rinoti hurumende haisi kukoshesa zvikuru nyaya yekugadzirira sarudzo dzegore rinouya, sezvo kusvika pari zvino, pasati paitwa zvose zvinofanirwa kuitwa kuitira kuti sarudzo dziitwe negwara kwaro.

Ukuwo MDC iri kuyambira kuti ingangobude musarudzo idzi kana hurumende ikakundikana kugadzirisa nyaya yemhirizhonga nechimbi chimbi. Zvimwe zviri muhurukuro idzi, zvakatarisirwawo zvakare kushandurwa kweimwe mitemo yesarudzo, ndokunge mapato aya awirirana.

Zimbabwe Electoral Commission inotiwo, yatotanga kutora matanho ekugadzirira sarudzo dzegore rinouya, zvichitevera kuendesa kwavo hurongwa hwemashandisirwo emari ichashandiswa pasarudzo dzegore rinouya.

Asi ZEC haisi kubuda pachena kuti iri kuda mari yakadii yesarudzo. Studio 7 haina kukwanisa kutaura neve ZEC nezvenyaya iyi.

Sachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, vaudza mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba kuti kunyange hazvo ZANU-PF neMDC vakabvumirana panyaya ye Constitutional Amendment Bill Number 18, pachine zvimwe zvizhinji zvinoda kugadziriswa sarudzo idzi dzisati dzaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG