Accessibility links

Breaking News

Kubviswa Kwehutungamiri hweWomen's Assembly Kotemesa Vakawanda Musoro


Nyaya yeMDC yekubvisa hutungamiri hweWomens Assembly, yakonzera mutauro kune vakawanda.

Vakuru vebato iri vanoti madzimai aya, achitungamirwa naMai Lucia Matibenga, ainge achitadza kushanda zvakanaka sezvo vainge vorumirana muivhu.

Asi vamwe vanoti zvakaitika izvi zvinoratidza kuti madzimai ari kudzvanyirirwa. Madzimai anonzi ndiwo akarwa amire pakapatsanurana bato iri, akaita kuti mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, varambe vaine rutsigirwo rwakanyanya.

Mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu aita hurukuro nevanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, programs manager we Crisis in Zimbabwe Coalition, pamwe naTheressa Mugadza, gweta uye achiongororazve nyaya dzezvematongerwo enyika. Vaviri ava vati havana kufara nemabatirwo akaitwa madzimai nebato iri.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG