Accessibility links

Breaking News

Magweta Vokwidza Nyaya Yekushungurudzwa Kwavo neMapurisa Kumatare Edzimhosva


Magweta anosanganisira nhengo dzeZimbabwe Lawyers for Human Rights, Law Society of Zimbabwe, nevamwe vakazvimirira vega, vakwidza nyaya yekushungurudzwa kwavo nemapurisa kumatare makuru edzimhosva.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura negweta riri kumirira magweta aya, VaSternford Moyo, kuti tinzwe mafambiro ari kuita nyaya iyi. Asi bepanhau reZimbabwe Independent rinoti vakwirirwa kumatare edzimhosva vanosanganisira mutungamiri wemapurisa, Police Commissioner General, VaAugustine Chihuri, gurukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaKembo Mohadi, pamwe nemamwe mapurisa.

Pakutanga pesvondo rino, gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaTafadzwa Mugabe, vakarohwa nemapurisa vachiedza kuda kuona nhengo dzeWOZA dzaive dziri muhusungwa.

VaAlec Muchadehama rimwe remagweta akambosungwa zvisiri pamutemo pamwe nekushungurudzwa nemapurisa.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaMuchadehama kuti tinzwe nezve nyaya yavakwidza kumatare dzimhosva.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG