Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yononotsazve Nhaurirano

Vari kutungamira muhurukuro pakati peZANU-PF neMDC vanonzi vawirirana kuti pavandudzwe mimwe mitemo yakanangana nesarudzo, POSA, yezvemapepanhau uye bumbiro remitemo yenyika.

Mutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki ndivo vari kuyananisa mapato maviri aya.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vanhu ava vanogona havo kutenderana pari zvino, asi anopa izwi rekupedzisira kuitira kuti zvinenge zvawiriranwa zviitwe, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Ukuwo MDC inofanirwa kupirwa zvinenge zvawiriranwa munhaurirano idzi, kuitira kuti bato iri ribudewo nezvisungo.

Vari munhaurirano idzi vanotiwo ZANU-PF inenge yatangazve nyaya yekuda kuti nhaurirano dzinonoke kupera nekuti yakumbirazve kuti nhaurirano dzimbomira sezvo vari kuitungamira kunhaurirano, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe negurukota rezve vashandi, VaNicholas Goche, vanenge vasipo nebasa.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika muZANU-PF vanoti bato iri riri kuda nguva yekunyatsozeya zvaringanyatsotenderane kuti zvitenderanwe pasati panyoreranwa pasi neMDC.

Imwe nyaya yotemesawo VaMbeki musoro inyaya yeMDC yekuti inogona kubuda muhurukuro idzi kana mhirizhonga ikaenderera mberi sezvo ichiti vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZANU-PF vari kuita vatsigiri vavo kafiramberi.

Nyaya yemhirizhonga yacho ndiyowo yakaiswa kwekupedzisira kwenhaurirano uye haisati yatanga kukurukurwa nezvayo.

VaOtto Saki vanoshanda neZimbabwe Lawyers For Human Rights uye varikuita zvidzidzo zvepamusoro paColumbia University muNew York .

VaSaki vaudza mutori wenhau weStudio 7 Blessing Zulu kuti zvave kunetsa kuziva kuti ZANU-PF iri kufunga zvipi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG