Accessibility links

Breaking News

VaManyika Votyisidzira Vemapepa Vanotengesa The Zimbabwean


Mumwe murume anotengesa mapepanhau muBindura ati akatyisidzirwa negurukota risina bazi rarinomirira uye vari vanoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muZanu PF, VaElliot Manyika, apo akawanikwa achitengesa bepanhau reThe Zimbabwean.

Murume uyu, uyo atya kuti timudome nezita rake, anoti VaManyika vakawana achitengesa bepanhau iri pane imwe service station makare muBindura apo VaManyika vakasvikotengawo bepanhau iri.

Murume uyu anoti VaManyika vakada kuziva kuti ndiani akanga adzosa The Zimbabwean muBindura, uye vanonzi vakati vakange vasingadi kuona bepanhau iri muBindura.

Tatadza kubata VaManyika kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi. Bepanhau reThe Zimbabwean rakatangwa nemumwe mutori wenhau ane mukurumbira, VaWilf Mbanga, avo vakave mupepeti wenhau mutema wekutanga kuZiana. VaMbangaa vari kuBritain.

Asi murume uyu audza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti haasi kuzomira kutengesa bepanhau iri sezvo riri kufarirwa zvikuru nevaverengi vemuBindura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG