Accessibility links

Breaking News

Mapurisa ekuMasvingo Obvunzurudza Madzimai emuMDC Gumi neSere


Mapurisa akapakatira pfuti netsvimbo, anonzi akakokorodza nhengo dzeMDC dzinosvika gumi nesere, dzanga dziri pa Flamboyant Hotel muMasvingo, ndokumbodzichengetedza neChitatu vachivapomera mhosva yekuita musangano zvisiri pamutemo.

Madzimai aya anosanganisira Mai Evelyn Masaiti-Matongo, Mai Theresa Makone, pamwe nehumwe hutungamiri hwemadzimai eMDC muMasvingo.

Zvinonzi madzimai aya akachengetedzwa nemapurisa apo aidya pahotera iyi, vachironga zvavanoti zvaive nechekuita nenyaradzo yamuchakabvu Isaac Matongo, avo vaive sachigaro vebato reMDC.

Madzimai aya anoti akazoregerwa nemapurisa kwapera maawa mana. Hatina kukwanisa kubata mapurisa ekuMasvingo kuti atiudze zvakatora nzvimbo.

VaTongai Matutu ndivo mumiriri weMasvingo Central uyezve vari gweta ranga rakamirira vakasungwa ava.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba , aita hurukuro naVaMatutu, kuti tinzwe zvakaitika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG