Hurumende inoti homwe yayo yakabooka zvekuti vamwe vashandi vayo havasi kuzowana mari yebhonasi mwedzi uno izvo zvisina kufarirwa nemamwe masangano anomirira vashandi vehurumende.
Mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, vapomera neChitatu vaimbova mutungamiri we South Africa, Va Thabo Mbeki, mhosva yokushanda pamwe chete nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, mukubirirwa kunonzi kwakaitwa sarudzo dzemuna 2002.
Vamwe vagari veku Mt Darwin vanoti havasi kufara nekudzingwa chikoro kuri kuitwa vana vavo nepamusana pekutadza kubhadhara mari dzechikoro kunyange hazvo hurumende ichiti hapana mwana anofanira kudzingwa chikoro nepamusana pekusabhadharirwa mari dzechikoro.
Vachitaura pamusangano wavaita neMuvhuro nevadzidzi vemuzvikori zvepamusoro soro pamwe nevatsigiri ve Zanu PF, Amai Mugabe vakurudzira VaMugabe kuti vadzinge basa Amai Mujuru avo vavave nenguva vachiti vanofanira kusiya basa.
Dzimwe nhengo dzakambomiswa basa kwemakore mashanu nekomiti yepamusoro yeZanu PF dzinoti hadzisi kutomboziva kuti mhosva dzadziri kupomerwa ndedzeyi.
Sangano rinomirira ana chiremba vehurumende avo vari kuramwa mabasa parizvino rinoti munyika mungangosara musina anachiremba zvichitevera kudiwa kuri kuitwa madhokotera nezvipatara zviri kunze kwenyika.
Asi mutauriri we MDC Renewal Team, Va Jacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti havasi kutambira danho ratorwa neMDC-T iri vachiti nyaya iyi ichiri kumatare.
Vamwe vatsigiri ve Zanu PF mudunhu re Mashonaland Central vanoti havasi kufara nekunyarara kwakaita mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, zvichitevera kushoropodzwa kwakaitwa mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru naAmai Grace Mugabe.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti vanhu vanofanira kushanda pamwe chete mubato ravo kuitira kuti Zanu PF igokwanisa kukunda musarudzo dzinotevera.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vabuda pachena neChina kuti vari kutsigira chikwata chiri kutangamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.
Mupepeti webepanhau re The News Leader, Va Itai Dzamara, nevamwe vari kuvatsigira vatanga neChipiri kugara pa Africa Unity Square mu Harare vakamirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, avo vavari kuda kuti vasiye basa.
Mupepeti webepanhau re The News Leader, Va Itai Dzamara, vasungwa neChishanu mushure mekusvitsa gwaro renyunyuto kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, pamusoro pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.
Vanotiwo kubuda kwavo mu PTUZ kwakakonzerwa nemunyori mukuru musangano iri, Va Raymond Majongwe, avo vavari kupomera mhosva yekushanda ne Zanu PF.
Dare repamusoro ramisa neChina kupwanywa kwedzimba ku Epworth mumutongo watambirwa nevagari vemunzvimbo iyi.
Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pekongiresi ye Zanu PF muna Zvita, Amai Mugabe, avo vakadomwa neboka re Women’s League kuti vave munyori webazi remadzimai pachaitwa kongiresi, vakurudzira kuti kurwisana kuri mubato ravo kupere vachiti kurwisana uku kuri kuputsa musangano wavo.
Va Moyo vati Va Mugabe vanosungirwa kuti vachengetedze bumbiro remitemo yenyika iro rinopa chizvarwa chese chenyika kodzero yekuva nepekugara.
Kusawirirana mu Zanu PF pamberi pekongiresi yebato iri ichaitwa muna Zvita kuri kuramba kuchienderera vakuru vakuru mubato iri vachikandirana makobvu nematete.
Vechidiki vebato re MDC-T vanga vachidarika mazana matatu vaungana mudhorobha mu Harare vachiratidzira vachiimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachiti vanoda kuti hurumende ivape mabasa.
Vashandi vebhanga re Stanbic vanodarika zana varatidzira mu Harare neMuvhuro vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa nebhanga iri.
Mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti bato ravo harichade zvenhaurirano ne Zanu PF dzekuedza kupedza matambudziko akatarisana nenyika vachiti chave kudikanwa kuvandudza mitemo yose inoita kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.
Rodhai zvimwe