Dzimwe nhengo dzakambomiswa basa kwemakore mashanu nekomiti yepamusoro yeZanu PF dzinoti hadzisi kutomboziva kuti mhosva dzadziri kupomerwa ndedzeyi.
Nhengo yeCentral Committee ye Zanu PF, Va Enock Porusingazi, vanoti havasi kuziva chikonzero chavakamisirwa basa ne Politburo yebato iri sezvo vachiti havana kana kumbomiswa pamberi pekomiti yekuvaferefeta kana kunzwa nyaya yavo.
Va Porusingazi vanoti kana mhosva yavari kupomerwa havasi kutomboziva.
Mutungamiri wesangano revaimbova varwiri muhondo yerusunguko, Va Jabulani Sibanda, avo vakadzingwa mumusangano we Zanu PF zvachose, vanotiwo havatoziviwo kuti vakadzingirwa chii.
Kunyange hazvo pane fungidziro yekuti vese vakambomiswa basa nePolitburo vanosanganisira vanga vari mutauriri webato iri, Va Rugare Gumbo, vachifungidzirwa kuti inhengo dzechikwata cheZanu PF chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, Va Porusingazi vanoti havasi munyaya dzezvipoka zvipoka zvinonzi zviri mu Zanu PF zviri kurwira kutora masimba kana Va Mugabe vachinge vabva pachigaro.
Va Porusingazi vatiwo havazive kuti sei vari kutsigira Amai Mujuru vasiri kuda kubuda pachena.
Hatina kukwanisa kutaura naVaGumbo kuti tinzwe divi ravo
Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re Zimbabwe Association of Community Radio Stations, Va Kudzai Kwangwari, vanoti kushungurudzwa kuri kuitwa vari kufungidzirwa kuti vari kutsigira Amai Mujuru pamberi pekongiresi yakatarisirwa kuitwa mwedzi unouya zvatove nani kuti Amai Mujuru vachisiya Va Mugabe vatonge zvavo vari vega vachiti hapana chikonzero chekuti paendwe kusarudzo dzekongiresi izvo zvichabuda mukongiresi yacho zvave kutozivikanwa.
Asi mutsigiri weZanu PF, Va Goodson Nguni, vanoti kumbomiswa basa kwaVa Gumbo nevamwe vavo pamwe nekudzingwa mumusangano kwakaitwa Va Sibanda hakunei nekusawirirana pamwe nemakakatanwa emasimba ari mu Zanu PF.
Va Kwangwari vanoti kuratidzira kwanga kuchiitwa nenhengo dze Zanu PF munzvimbo dzakawanda munyika, pamwe nekudzingwa kwaVa Sibanda kunoratidza kuti vanhu ava vari kushungurudzirwa kuti chipoka chiri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, chive nemasimba akawanda pamberi pekongiresi yebato iri muna Zvita.
Va Kwangwari vanoti zviri kuitika mu Zanu PF izvi zvinoratidza kuti bato iri harikoshese hutongi hwejekerere.
Mune imwewo nyaya, mutauriri wedare reparamende, Va Jacob Mudenda, varamba kutambira chikumbiro che MDC-T chekuti nhengo dzeparamende dzakaenda ku MD-C Renewal Team nevaimbova munyori webato iri, Va Tendai Biti, ndibviswe mudare reparamende.
Tsamba yanyorerwa munyori mukuru we MDC-T, Va Douglas Mwonzora, naVa Mudenda iyo iri mumawoko eStudio 7 inoti nyaya yekuti MDCT chaiyo-chaiyo ndeipi ichiri mumatare edzimhosva nokudaro havakwanise kuti vabvise nhengo idzi muparamende nyaya iyi isati yapera.